Zvikonzero Zvishanu Sei Vakadzi Vachizvitendera Kuva Vakadzi Vepadivi (Small House Saga)

Kunyangwe tiri munyika mune vakadzi vakawanda vanoda kudanana uye kuwanikwa musvitsa nemurume mumwechete ari iye oga pamurume iyeye.


Zvino katyamadza zvikuru kuti kune rumwe rudhende/chaungawo zvakare chinotoda kudanana nevarume vakawanda, uyezve itori saurudzo yake kuita mukadzi wapadivi ( side chick).

Zvikonzero izvi zvingava chii chaizvo??


1. Mari: Ichi igaro ziva kuti chitoripo pahuhonzeri. Madzimai akawanda ari kutambudzika kuwana chouviri, zvabva zvakonzera bongozozo pakati penyama ne mweya kuti zvitadze kugarisana.

Mushando waramba kumuka,pakusvika pakushaya pekugara,chokudya kana shashiko yekusimira.

Zvino kukazouyawo anachirera nherera nedze vamwe, zvisinei kuti ari kuburitsa mari yakawanda sei chero ichipfuura ye mwana sikana uyu, anobva atoyerwedzwa nerukova rwekuva mukadzi wepadivi.

Apa haambotarise kuti murume uyu anomboita nezveyi muhupenyu.

2. Kusurukurwa: Kusurukirwa kwakandira vakadzi vakawanda mune chakapedza mbudzi. Variko vari kufambidzana ne varume vari muwanano nokuti mapete chaiwo kutya kuva voga muhupenyu.

Pabate mudikani haisi nyaya ye mari kana sirivha ne ndarama zvenyika ino kwete vamwe vatori nazvo.
 Zvikonzero Zvishanu Sei Vakadzi Vachizvitendera Kuva Vakadzi Vepadivi (Small House Saga)
Nyaya ndeyekungowanawo wekuzembera.

3. Ruchiva: Dzimwe nguva ruchiva rwukakubata sechikirimbani/musungo, unoita zvimwe zvinhu zvawaimbofunga kuti kunyange wadhakwa nehwematanda haufe wakaita.

Unenge uchinyatsoziva kuti nzira iyi kumaziva ndadzoka. Zvino chikara ichochi cheruchiva chikange chakubata unowira muchivi negotsi watadza kuzvidzora.

Vamwe vakadzi havagone kuramba kupfimbwa nevarume vane runako uye vakapihwa miviri yavo yakasvika na nyadenga nehumhizha hwavo, zvisinei nekuti anotoziva kuti akaroora.


4. Kungonakidzwa (Kune Musindo Mukati): Ndakamboita ongororo ne tsvakurudzo kuti sei vanhu vachiita gumbo mumba gumbo panze? Chaunga chimwe chakati zvaingova zvekunakidzwa zvine kakushereketa mukati.

Ndizvo zvimwe chete nevamwe vakadzi kungodanana nemurume wemunhu kungoda kunzwa kuti masamba akasiyana here uye sei?

Kungopfekwa nehunharadada hwakasangana ne hundururani.


5. Kusununguka: Hameno kuti sei vakadzi vakawanda vave kuona kunge kudanana nemunhu mumwe chete zvave zvechinyakare, uye zvichiva mbunyikidza kutandavara serunyemba.Naizvozvo havachada zvewanano, vakuda izvozvo zveatora atora bhuru re kanzuru.

Zvisinei kuti chikonzero chacho chingave chii, ini ndiri mumiriri akasimba panyaya yekuti,"murume mumwe nemukadzi wake mumwe chete"

Izvizvinokupa kugadzikana, kwete mundangariro chete kunyangwe pahutano chaihwo.

Kune ngozi dzakawanda dzinogona kuku wira sezvirwere zvepabonde ne mimba dzisina kutarisirwa/ kurongeka.

Naizvozvo zvinenge zvakangonaka kugara wasisiyana nanhingi wa nhingi wonamatirana newako iyeye.

Apostle Sibiya vanodanidzira kuna Jesu Kristu vachiti: "Tinonzwisisa matambudziko ari kusangana nevanhu kadzi. Vanotambudzika kuti zvinhu zvibatane,kushaya wako wekuzembera, ruchiva nehunhubu.

Ikako kakuda kungonakidzwa uchiita zienda nakuenda mukuwasha wezuva.
Zvakamira mamiririro azvo iwayo munhuwo zvake njee haangakwanise kupedza matambudziko ako e mari. Mwari chete ndivo muwanisi nemukwanisi wezvako zvese.

Mweya mutsvene bedzi ndiye anokwanisa kukubata ruoko mukusurukirwa kwako, nekukundisa kana chikara checheruchiva chakubata mbira dzakondo.Kushamisira uchiita wepadivi nerimwe zuva uchazoshama wave munzira yorufu.

Tondera mubayiro wacho chivi ndirwo rufu , Kristu bedzi ndivo vanokusunungura pangetani /misungo yehupenyu hwako.

Gamuchira Jesu kristu PARIZVINO woendawo kukukereke musiwe svondo uwane rubatsiro.

Munoziva kuti chii?

Ndokudai zvekuti ndatadza kushaya chekutaura newe, komborerwa apo Mwari vari kurwisana nema dandemutande

Ehupenyu hwako kuti huendeke!"
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp