VERENGA NYAYA IYI - Mai TT Diaries: Zvinhu Zvina Zvabuditswa Pachena Pawanano Yavo

Fellistas "Mai TT" Maruta vanobuditsa pachena maererano newanano yavo. Umwe wevanofadza Vanhu muZimbabwe uye anomukurumbira munharaunda anoisa maVideo achitaura nekubuditsa pachena nehudzamu mararamiro uye zvaakasangana nazvo.

Handiwanzoda kutaura pamusoro pevanhu asi nekuda kwekuti Mai TT mutendi, munhu anozivikanwa munyika aine vateveri vakawanda uye anobuditsa pachena zvakawada zviri kusangana nemadzimai mazhinji muchivande zvinova zvandibata Moyo wangu


Runyoro rwaApostle Sibiya:
Mushure mekutevedza mavideo avo ndanyora ndichiti,ndezvipi zvatingadzidz kubva kumarecording avo. Handisi kudonongodza,kana kudzikisira Vanhu vari munyaya iyi. Fellistas mudzimai akasimba uye tinotenda Mwari vachamupfuudzira mberi.

Zvinhu zvishoma zvandadzidza munyaya iyi zvazadziswa:

1. Kunyangwe magamba anochemawo: Mai TT chiropafadzo kunyika yedu asi vane zvakawanda sekutaura kwavo vanoti zvimwe zvandomboreva ndezvemuhupenyu hwangu.

Vanhu vakanaka,zvichida uri mufundisi,mutendi,vezvematongerwo enyika,murairidzi,muzvinafundo kana vemabhizimisi, une imwe nzvimbo yeupenyu hwako yaunoda kuti Mwari vazviratidze. Jesu Gamba guru vakachema pamuchinjiko. Mai TT nevose vanosanganisirwa panyaya iyi vanoda rutsigiro rwedu iye zvino. Kuvatongesa kungatovakuvadza pane kuvavaka, mangwana ndiwewo.

Mai TT Diaries: Zvinhu Zvina Zvabuditswa Pachena Pawanano Yavo
2. Nekuda kwekuti wakachema hazvireve Kuti hausi Gamba: Kuona madzimai achishungurudzika ndakafunga Kuti ko Vanhu vachatiii nekuda kwemavideos aya. Mai T kutaura kwamakaita chiratidzo CHEHUSHINGI. BRAVO, dzimwe nguva ndangariro dzingavakurira vagotaura chituko, usazotarisira munhu pasi kunze kwekunge uine tarisiro yekuda kumusimudzira. Mubhaibheri Dhavhidhi aigorotaura kuedza kubvisa marwadzo. Nekuti mudzimai ataura hatingazvishandise kumuparadza. Tose tinochema,asi tinongoramba tiri magamba,"usape mutongo kana usina kubvira wapindan nezvaari kusangana nazvo,seka urema wafa(laugh at disability after your own death)

3. Vanodanana Hamufanirwe Kutamba Nemoyo Yevadikani Venyu: Kurwara kwemifungo kwakanyanya kupfuura uyo anorwara panyama.Kutanga Mwari havade Vanhu vanorambana.Kurambana kunounza marwadzo kupfuura zvatofungira. Zvese zvatanzwa inyaya yerudo isina kunyatsobuditswa pachna. Pane dzimwe nguva kurambana ingangova yoga nzira,nyangwe kunze kwewanano ngationanei nekubatana murudo rwaMwari, kwete rudo rwekufungidzira kana kuvharidzira. Kuva nerukudzo rwekuti wawakarambana naye mwana waMwari uye kupfurira mberi nehupenyu tisingaise kurwadzisa mavari ingava nzira yakanaka yekutanga patsva.

4. Wanano NeHupenyu Hwedu Zvinofanirea Kuwana Maropafadzo Evaberaki Kuti Zviendeke: Mune zvimwe zviitwa zvavo Mai T.T vanodzokorora vadzokorora zve kunyunyuta kwaiita mai vavo pamusoro pe wanano yavo, havasi voga kunyangwe vamwene vavo vaiva nerimwero navamukurungai vavo.

Vabereki vedu vakabva neko kumhunga hakuna ipwa ichi ndicho chokwadi chizere, zvisinei nekunaka kana kushata kwavo ndativapei sando dzavo !

Nemhaka yekuti wakabva muchiuno mavo, ukagara mudumbu mavo vakakurera ukakuru zvawave izvi! vane kangungo nyumwa nyumwa kavanoita kana zvakaipa zvichida kuitika kwauri .

Kakunyumwa aka hakaenderwi ku chikoro asi Mwari anokapa vanhu kuti vanhonge zvinhu zvichiri mumweya.
Gara uchitenda Mwari kana uchine vabereki vako vana nyakutumbura pamwe chete wozve nevepa mweya vose vanotaura inzwi pamusoro pehupenyu hwako.

Mai TT vachaturawo inzwi muraramo yemwana wavo se zvatichaita kune vedu.

Kwa muri Mai TT ndinokupai ruremekedzo (salute) ne kubuda pachena, sezvandamboreva handisi kuzokurimai kana kukushoropodzai asi kuita mhemberero yehushingi nehugamba hwekutaura zviri kutsi kwemoyo wenyu.

Ndakadzidza kukoshesa Mudzimai wangu nguva dzose nekuremekedza zvido zvake nokuti ndikasadaro kanenge katori, "kamberevere kanonopisa matanda mberi."

Tiri kuku namatirai imi pamwe ne vese vari munyaya iyi .

Tenzi wedu ivai ne tsitsi, Kristu ivai ne tsitsi

RUDO RWEDU RWOSE RURI KWAMURI MESE VARIKUVERENGA!
Tinokudai mose!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp