VERENGA: MuKristu SeMuboora, Mutikiti, Munhanga

Muboora muriwo uri evergreen uye wakapfava. Mamwe mashizha acho anokwasharara nekukura kwawo. Unoti kana uchikura unotanha kumuromo kuti utandavare.

Unotandavara zvekukwira nemiti kana kusvika kumanext door. Muriwo unodzoreka chero watandavara sei kudzoka kumba kwawo. Ukadyara one mhodzi unoita mastem akawanda. Muboora unobereka manhanga, maruva uye mashizha zvose zvatino shandisa hapana chinoraswa. Hazvinei waurima munyimo kana munzungu unongooneka chete.

Nokudaro muKristu wanhasi unofanira kugara uri evergreen uye wakapfava semuboora. VaRoma 12:18 yoti, "kana zvichibvira,pamunogona napo ivai nerugare nevanhu vose." Mukristu unofanira kudzoreka kuti udzidzisike,utsuurike nekurairwa wozvideredza semuboora unomboenda asi uchidzoreka.
VERENGA: MuKristu SeMuboora, Mutikiti,Munhanga
Mukristu unofanira kugura muromo wako nekuziva zvekutaura zvinovaka kuti vanhu vawande paShoko. Unofanira kudzoreka kana watambarara muzvivi. Mkristu ratidza chikristu chako hazvinei uri wekereke ipi semuboora unowonekwa munzungu kana munyimo. Ivawo wakakwasharara paShoko raMwari umire wakasimba. Ndopedzisira nekuti muKristu unofanira kubereka zvibereko zvomweya zvinotapirira nyika semuboora. Vagaratia5-22: "Zvino chibereko choMweya ndirwo rudo, nomufaro, norugare, nomoyo murefu, nomoyo munyoro nokunaka nokutendeka. Stay evergreen.

Kunyangwe uri muguta rizere vatadzi, ita semuboora unoonekera kana pakati pechibage.

RUGARE NGARUVE NEMI!

LIKE, COMMENT, SHARE!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp