Usatsva Moyo Iwe!!

1 Corinthians 7 vs 8-9 Now to the unmarried and the widows I say: It is good for them to stay unmarried, as I do. But if they cannot control themselves, they should marry, for it is better to marry than to burn with passion.

Kune vaye vasina kuroorwa shirikadzi nema Single Mothers zvakanaka kugara mega musina kuroorwa . Asi kana musingagoni kuzvoibata kuzvidzora zvanzi munofanira kuwanikwa zvanzi zvakanaka kuroorwa pane kuswera moyo uchitsva.


Ndinofarira shoko iri rinobva kuna Paul zvanzi kugara wega usina kuroorwa hakuna kushata kwete . Brother makati zvekurroora hamudi nekuti vakadzi vanonetsa munoda kuzvigarira mega . Iyoyo haina kushata yekugara wega inozoshata chete kana mave kutadza kugara mega . Variko varume vakawanda vanozviita majaya masikati kwadoka kudai vanenge vanayo michato yehusiku humwe . Jehovha vakuonai Brother munoda kurumbidza chose muchechi ndimi muunoimbisa Muchurch asi dambudziko renyu munonyepera kuti hamudye nyama imi muchiseva muto wayo . Makati hamudyi nyama asi tinoona ndiro dzenyu kununa mafuta wani? Mapedza vasikana muchechi kuvata navo asi munoti hamudi kuroora imi tendeukai hushe hwekudenga hwaswedera pedyo.
Usatsva Moyo Iwe!!
Shirikadzi chokwadi kana munhu afirwa zvinorwadza kana mafunga kuita Shirikadzi chigarai mega musapota muchibuda vanhu vasingaoni . Mweya wenyu une shungu tinozviziva saka musamanikidza mweya wenyu upei zvaunoda kani. Kufirwa haisi mhosva hamuna kuuraya murume kwete musareva nhema kuti mave kurarama nekuchengeta vana . Nyika inokuzivai kuti ndimi shirikadzi dzaputsa misha yevamwe iye wamunotera murume wake ndiye akakuraya wenyu here nhai ? Kana moyo uchitsva roorwai vasikana woye.


Masingle Mothers imi hazvina kushata kuzvipa chigaro chekuva Single Mother asi muvhunzo ndewekuti ARE YOU REALLY SINGLE? Ko zvamunoti muri Single Mother asi musi we Vakentine ndimi munomhanya nemaruva Munozviti Single Mother asi muma Restaurents umu ndimi munoonekwa muchidya mari nevarume vevanhu. Zvamunozviti Single Mother murimi mune vana vanopinzwa chikoro nevarume vevanhu. Kana mafunga kuva Single Mother mozvisunga zviuno kwete kubata vanhu kumeso muchiputsa misha yevanhu. Haisi mhosva kuti imba yenyu yakaramba asi musavaka yenyu nekuputsa dzevamwe . Nhasi uno ndimi munogadziriswa musoro nhasi uno munoreva nhema kuti makatenga motoa imi makatengerwa nemurume wemunhu imi svipirai pasi imbwa dzinhonge.

Imi varune siyani nema Single Mothers aya vakazvipira kugara vega siyai vagare vega kana vave kuda kuroorwa moyo watsva ngavavavke yavo misha . Msabikira poto dzenyu pamoto yaveswa nevamwe.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp