Nhasi ndoda kubata bata vakadzi vane shave rekuchengeta madhende mumba - midziyo yasakara. Musanyepere hurombo ihwo hungapere sei iwe mumba haudi kusiya ndiro dzesimbi dzine zvironda poto uchingonamisa daily.
Kutojairira tsika yekuisa mvura muzvigubhu zvapera mazowe, hauoniwo here water jug redollar. Bhurugwa repahusikana 5 years ago uchiinaro nanhasi kuita se G string kuri kubvaruka. Kutadzawo kutora $1 wotenga 2 chete then wopisa apera.
Bra ungati imbereko kusvika mugotsi chaimo, zamu rinenge riri pamusoro pebra kuswera uchingoridzosera.
![]() |
Shave Rekuchengeta Madhende |
Siya tsika yekuwachira baba masocks akabooka everyday unoda vaitewo sei iwe wawacha.
Mazuva ano zvinhu zvachipa zvinongoda kurongeka chete.
Mumwe musi unobikawo necovo woti daddy dollar riya renyama ndakutengerai masocks uone kuti vanoti chii manje iwe ndiwe unotoda twunonaka!
Buzy kunyeya vamwe hanzi mai nhingi vanenge vanopindapinda sei vachichena vanozviwana kupi? Mai nhingi vanoti vakawana $3 vanonotenga quality blouse kubhero, iwe womhanya kunotenga matwizza matatu!
Ita shungu mudzimai unzwe pataurwa ugadzirise its never too late.
Kana wabatwa batwa share it with others and vachabatsirika
May God bless you ladies ...!!
Adopted By Apostle P. Sibiya
0 Comments