Nzira Gumi Dzingakuzivisa Kuti Satan Ari Kukurwisa

1. Unoenda kunorara mazuva ose ugomuka usina kana kutenda Mwari, ziva satani arikukurwisa.

2. Ukaona uchigara zuva rose, svondo kana mwedzi usina kumboverenga bhaibheri rako, ziva satani arikuda kuita basa newe.


3. Ukaona uchifona, kana kudaira fone, Kutaura pa Facebook kana paWhatsApp uye kuzvitora mifananidzo chechi ichiitwa, ziva kuti satani arikuda mweya wako.

4. Ukaona usingatore nguva yekunzvera shoko raMwari, kana kuverenga bhaibheri ... Hama yangu satani arikukuomberera maoko ... Tendeuka.

5. Ukaona uchiti urikuda kuvara bhaibheri rako, urikunamata kana kunzvera shoko rashe foni yako rorira kana kufonwa, ukakwanisa kusiya bhaibheri kana munamato wako panzira, ziva satani arikukurongera mabiko.
Nzira Gumi Dzingakuzivisa Kuti Satan Ari Kukurwisa
6. Ukaona uchigara wakabata fone munguv yekunamata kana nguva yekudzidza bhaibheri kuto ukurumidze kudavira kunyaya dzawatumira kuvanhu, ziva satani arikukuridzira ngoma ende urikuitamba usingazive.
7. Chaunotanga kuita uchimuka ifacebook,chaunopedzisira kuita usati warara iWhatsApp, ziva satani ari kuraramira munharaunda yako.

8 Ukaona uchitendera Kuti Nyasha ndokutendera kurarama kuchivi nekuti Jesu akakufira kare pamuchinjiko, ziva satani arikuda kukutevera kusvondo kwako.

9. Kuona zvinhu zvose zvakashata mukereke, kuna mfundisi wako, kuvatendi vose, ziva kuti satani wakubata.

10. Chekupedzesera ... Ukaona waverenga ndima iyi worega kugoverana nevamwe kuti usunungure nekutora avo vakubatwa nasatani. Zvoreva urikuti ... "SATANI URIKUITA BASA GURU RAMBA WAKADARO"

Uchiziva uri muchikwata ichi ... Nyora Kuti Mwari ndiitirewo Nyasha neTsitsi!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp