MUST READ: Mvura Yakabiwa Inotapira...!

"Mvura yabiwa inozipa(inotapira), chingwa chinodyirwa pakavanda chinonaka!" (Zvirevo 9 vs 17)

Mudikani zvanzi mvura yekuba inonaka kudarika yekucheregwa wopiwa nemukombe. Chingwa chekumedura wodya kuseri kweimba chinonaka kudarika chekupiwa murusero. 


Vana baba vofira mvura yekuba vakapiwa mvura yekuba vanokanganwa kuti ndiyo mvura yavasiya kumba. Musiyano uripo pamukadzi wenyu wamasiya neuyu wekunonga muzhira ndewekuti uyu murikuba saka mava kumurumbidza kudarika wenyu wamakoroora.
Mvura yekubira...
Vakomana uko rudo rwekuba rwunonaka musi unongouya musikana uya achiti ndashata ndauya kuti tigare tose toro kutiza rwapera rudo rwekuba. Vasikana woye rudo rwekuba runonaka mukahii chigarai mose nemukomana wako iyeye tinoona mavakufamba kunge officer nemusungwa.
Vana mai ndirworwo rudo rwamaitizira kumba kwenyu nhasi mavakuti murume anobhowa makanganwa kuti maiomesa gotsi muchitsurwa nhasi zvaipei ndiwo munakire wechingwa chekuba chemurusero chinofinha, mvura yekuba inonaka asi chenjera kumwa yakaiswa dhibha Jehovha sanganai nemweya yedu.

Jesu Kristu ndiyo mvura yeupenyu mudikani, Jesu ndicho chingwa cheupenyu, mugashire nhasi saShe naMponesi wako urarame, nyika inopfuura.
LIKE, COMMENT, SHARE!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp