Mudikani zvanzi mvura yekuba inonaka kudarika yekucheregwa wopiwa nemukombe. Chingwa chekumedura wodya kuseri kweimba chinonaka kudarika chekupiwa murusero.
Vana baba vofira mvura yekuba vakapiwa mvura yekuba vanokanganwa kuti ndiyo mvura yavasiya kumba. Musiyano uripo pamukadzi wenyu wamasiya neuyu wekunonga muzhira ndewekuti uyu murikuba saka mava kumurumbidza kudarika wenyu wamakoroora.
![]() |
Mvura yekubira... |
Vana mai ndirworwo rudo rwamaitizira kumba kwenyu nhasi mavakuti murume anobhowa makanganwa kuti maiomesa gotsi muchitsurwa nhasi zvaipei ndiwo munakire wechingwa chekuba chemurusero chinofinha, mvura yekuba inonaka asi chenjera kumwa yakaiswa dhibha Jehovha sanganai nemweya yedu.
Jesu Kristu ndiyo mvura yeupenyu mudikani, Jesu ndicho chingwa cheupenyu, mugashire nhasi saShe naMponesi wako urarame, nyika inopfuura.
LIKE, COMMENT, SHARE!
0 Comments