Handeyi Naro Damba Refu Rema Small House - Ramba Kuita Mukadzi Uyu Asina Huchenjeri Kana Zivo!

Hezvinoi zvikonzero gumi zvinokuvhura meso kuti , zvakaipirei kufambidzana nemurume ari muwanano.


Hakuna chikonzero chinogamuchirika kuti udanane nemurume ane mudzimai wake. Kunyangwe mukawana zvikonzero zvamunoti zvinoita muongororo ne tsvakurudzo zvinozongo buda kuti chisi hachieri musi wacharimwa.

Ukazviona wakuwira kumawere wemuedzo wekuva small house, cheuka uverengezve chokwadi chandichakuudza ichi usati wacharika moto wakapfeka marengenya/mamvemve.

1. Hapana ramangwana rakajeka pakufambidzana kwemhando iyi. Murume anenge asiri kufara uyezve asinga gutsikane newanano yake, anogona kuona kunge asvika denga rechinomwe nemanyuku- nyuku aunomunzwisa.Murume yo anogona kutoyerekana azhamba kuti,"hanzisati ndambonzwa zvakadai chizvarirwo changu!ndiri kuzviona ndakuita muroora wa amai vangu"

Iwe wototi ndapinda panyanga usanyeberwe!

Kusvitsana denga rechinomwe ne kukuroora zvinhu zviviri zvikatosiyana kunge kumadokero nekuchamhembe.

2. Kusavimbika kwake kumudzimai wake utori munongedzo mukuru wezvaanoita kana achinge awirwa ne dambudziko. Utori mucherechedzo wake mukuru wehumbwende hwande kutiza kugadzirisa nyaya nemudzimai wake sa samusha.

Mbada haichinji mavara ayo .Zvaari kuita kumudzimai wake ndizvo zvaachakuitawo mukanga mazowirwa nematambudziko mamwe chetewo.
Handeyi Naro Damba Refu Rema Small House - Ramba Kuita Mukadzi Uyu Asina Huchenjeri Kana Zivo!
3. Chamuhwande hwande chinopedzesera chave kufinha. Kuhwandisa kufambidzana kwenyu kunotokudzikisira iwewe semunhu kadzi. Unorasikirwa nezviwanikwa zvinoita kuti wanano itapire, sekufamba muri mese makanyatso pombonoka sa mai na baba.Kakusununguka ikaka kanoita kuti umere mapapiro emufaro nokuti unenge une munhu anokupa chiremera kuva naye.

4. Ari kudzipakata achidziridza,uku murume yo ane mudzimai wake wepasvitsa tsvene. Anova ndiye korona yake pachaunga.Kune rimwe divi anewe mai muponesi vekutambisa achiwana zviya zvaari kushaya kumba kwake.

Ehundeee angangodaro achikutenda nezvaunomuitira,asi madzimai akawanda ari pamupata wakadai vanotsutsumwa kuti vana baba vari kudya kunzungu neku nyimo ivo vari ana Marwei vekungo mirira kuuya kwavo.

5. Ungada here munhu anozvidza mudzimai wake? Nhambe tambe yenyu iyi ndihwo umbowo hwekutanga nekupedzisira kuti haape mukadzi chiremerera nekumunyepera. Pane kuti abude pachena se mutyairi we tarakita woudza mudzai wake zvidokwa-dokwa zve moyo wake , hoyo otizira kwauri.

6. Kunyange ari iye aikuvhevhetedza kusvika wamuda, hehede ziva kuti musi wamunopesana ndoo pauchaona kuti haana ruremekedzo newe. Achatanga kuku pomera mhosva yekuva mukufambidzana kusina kutsarukana.

Groucho Marx anodambura vanhu mbabvu achiti, "munhu anogona kuva ari mukufambidzana kwaasinga zode kunzi aripowo pakuvhiya katiyo (kahukwana)"

7. Hausingori mharadzi yewanano asi utoripowo pakugota /dziya moto wembavha. Uchida usingade urikutobatsirana nemurume uyu kutyora mhiko dzake dze wanano.
Apa hatichatotaure kukandira ruvimbo rwemudzimai wake kumbwanana, kuzoti mumaziso evana vake vanenge vasina chekuyemura.

8. Uri kuzvinyepera nezvitsidzo zvese zviya zvaanoita kwauri. Nanhasi haasati aramba mukadzi wake maringe netsika dzedu gupuro haasati atambidzwa wani kuti imi mugotanga imba yenyu yacho.

Zviya zviito zvinokunda mazwi nhai?

9. Ngwarira chivi chinodya mwene wacho. Varume (nevakadzi zvakare) havadaire zvizere kuti ndivo vanenge vaine mhosva.Zviri nyore kunakurira nyoka yacho kune mumwe munhu hanzi ; mhosva haibvumwe se sadza.

Kana achinge azobatwa neve kumba huru ziva kuti mhosva yacho ndeyako gara waziva.

10. Nguva ikange yarasika haidyorerwe semarara, iyo nguva pakuchembera inomhanya se ngwena. Kudanana nemurume wemunhu kunogona kutodhonza makore akawanda.

Panguva yacho iyoyo zvinenge zvichidakadza. Ndipo pauchazoona kuti guyu kutsvukira kunze mukati rine masvosve.

Written By Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp