18+ Kufunga Kwevakadzi Vasina Njere - Hanzi Ndoda Kunyima Murume Bonde Nokuti Anditsamwisa

Kana muri mumba menyu murume asina kukuhurira, haumbofaniri kumurambira chero zvodii.


Ipapo pakutsamwa ndipo paunotomuudza kuti uya uite ndivate. Asi kuvhura makumbo unotovhura chete. Akada kuramba iwe wotomuudza kuti ava kutowedzera kukutsamwisa.

Vanhu vakaroorana havafi vakasvika pakunyimana vachiti nokuti vapopotedzana. Kana wakatsamwa usataura naye, usamutarisa, saka fongora aite ari shure uko iwe zii zvako asi shanda murume agute, asawana chimwe chinhu chaanoti wakaita chingahi chakaipa mumba. Kana iwe wati iye akanganisa iwe chitaridza kuti haukanganisi.
18+ Kufunga Kwevakadzi Vasina Njere -  Hanzi Ndoda Kunyima Murume Bonde Nokuti Anditsamwisa
Nyaya yokunyimana mumba iyi ndiyo nyaya inokanganisa chose magarire evanhu vakaroorana. Kazhinji mukadzi ndiye anotanga kunyima murume, zvabva pa FRUSTRATION yekusaita hanya nomukadzi kwemurume. Asi nyaya dzese idzi inyaya dzamunofanira kunge magadzirisa musati matanga kugara mese. Kutizira uye kukasira kuroorana musina kuwana nguva muchidanana, kunoita kuti mushaye nguva yokuronga magarire enyu.

Hazvifaniri kuti mukadzi/murume arambe kuvata noumwe wake musina kurambana. Kana kurhizena kwese kwapera, musisahwisisani zvachose, chinhu chinofanira kuramba chiripo kurhojana. Uchaona futi kuti ukavata nomurume wakatsamwa, unopedzera shungu pachikapa, zvadaro mapedza unokwanisa kuhwa shungu zvokutochemedza nazvo, iri ngari yokuti unofunga kuti uyu murume wangu wandinoda asi iye anondishungurudza. Zvadaro uchaona murume oitawo sokuti munhu kwauri. Munokwanisa kuzotaudzana agokumbira regerero, mozovata nyaya yapera, kuseni moisanazve nomufaro. Kunyimana bodo, zvachose. bodo!!


Udzai Vamwe!!!!!
Adopted From - Amai Chibwe [maichibwe.blogspot.com]
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp