Kungotaura Zvinyadzi - Sema Muromo Unotaura Zvinyadzi!

Satan anorwira kukura kweministry yake. MaKristu mazhinji tavaraidzwa nasatan panyaya yekutaura zvinonyadzisa nemiromo yedu. 

Umwe anoti handitauri asi anofarira kuverenga zvinyadzi, hameno kuti paunoverenga mwoyo wako unenge usiri kutaura zvinyadzi here? 

Vamwe vanofarira kuterera zvinyadzi hamenowo kuti vanenge vachiti, kana vapedza kuterera zvizodii? Shoko raMwari pana VaKorose 3:6 rinoti - asi bvisai zvose zvinoti, hasha nokutsamwa, nokutaura zvinonyadzisa nomuromo wenyu. 

Shoko raMwari rinorambidza vanhu kutaura zvinyadzi zvisinei nekuti muripapi uye nani wacho. Unonzwa vamwe vachitaura zvinyadzi, kwanzi, 'tirikutamba chiramu'. Vamwewo ndivo vanotaura zvinyadzi kumabasa kwanzi, 'inyaya dzepabasa kuvidza zuva'.
Kungotaura Zvinyadzi - Sema Muromo Unotaura Zvinyadzi!
Pafacebook ndipo pamwe paita gonye ririkudya chiKristu chevatendi vanhasi. Paita several pages and groups dzinoparidzwa zvinyadzi. These pages have several followers. Some are creating psuedo accounts in order to comment and post vulgar language. Nekuwanda kwaita vatendi uku, why zvaMwari zvichishaya anokurudzira pasocial media kudarika zvenyika? Taita vatendi vanoshandira vatenzi vaviri.
Kwaita rimwe gonye pawhatsapp. Zvinyadzi nezvose zvinonyangadza zvirikutenderera kudarika shoko raMwari. Magroups ezvinonyangadza arikuwanda uye anevanhu vazhinji kudarika anoparidza Mwari. Vamwe vatendi ndivo vanoita magroups akawanda. Ukabata phone yake munhu anovhunduka kwete nekuti aita magirlfriends or boyfriends akawanda but phone yakatakura zvinyadzi.

Shoko raMwari rati musataura zvinyadzi. Kwaita dzimwe shasha dzinonyepa kudzidzisa zvemarelationships evanhu. Ukanzwa pavanonyepa kudzidzisa ungati vanoda kuvaka dzimba. Vanhu ngavadzidziswe zveshoko raMwari zvakanaka. 

Dzimba hadzivakiridzwi nekudzidzisa muchitaura zvinyadzi KWETE. Nyika inodzidzisa nezvinyadzi church yodzidzisa nezvinyadzi masiyana papi?

Bible raramba zvinyadzi saka muromo wako ngauseme kutaura zvinyadzi. Hazvinei kuti muri varume voga or vakadzi voga shoko raramba. Chenjerai kuenda kuVIP section yegehena nekutaura zvarambidzwa neshoko raMwari. 

Amen!

Adopted By Apostle P. Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp