18+ - Mashoko Amufundisi Parudo Nebonde!

1. Dzidzai kuregererana kana umwe atadza akakumbira kuregererwa,

2. Sorry ngaibve pamoyo ive yechokwadi kwete kuti zvipfuure,

3. Ngwarirai maWhatsApp nemaFacebook, aparadza imba zhinji nevari murudo,

4. Kufungirana ngakuve kushoma,

5. Dzimai mafoni kana muri pamwechete kuitira kusakanganiswa kutandadzana nekufadzana,

6. Pananai nguva yekukurukura zviri maringe neRudo rwenyu uye ramangwana renyu, zvemafoni tsvetai kudivi makadzima kana kuisa paSilent mode,

7. Musadaire mafon asiri ezvakakosha panguva yamunenge muchipanana rudo,
18+ - Mashoko Amufundisi Parudo Nebonde!
8. Dzimai zvivhitivhiti nemadzimudzangara panguva yekupanana bonde kana zvisina mimhanzi iriromantic. Ndinzweiwo purizi ini mupostora, porn is not romantic, nhaika!

9. Kana muchifamba mose tauraiwo nyaya kwete kungoti mwiii muri pamaWhatsApp uyu yake uyu yake , unenge uchitaura naani iye mudiwa wako aripadyo ?

10. Bonde ngariitwe muri musvo kazhinji kacho, uye ngaripote richiitirwa muchiyedza,

11. Pakunovata mose kururai hanzu dzose kusara muri musvo kuitira kukwezva mafeelings eumwe wako, kusiya dzimwe hanzu zvotaridza kuti hauna tarisiro yekufadza umwe wako kana kuti kana uinadzo kururanai zviri romantic

12. Dzidzai kugara makagumhana nguva dzose pamunenge makasununguka, kwete pake pake,

13.Dzidzai kuzemberana nekurarirana pachipfuva musati matanga kana mapedza kuita bonde.

14.Musamhanyire kusimira kana mapedza bonde, ko kana umwe wako asati aguta mozodii ?

15. Pananai bonde kwenguva yakafanira, kwete hwejongwe uye onai kuti matamba zvakafanira musati maita bonde racho,

16. Bonde ngariwaniswe nguva zhinji kana yakafanira, kwete kupedzera nguva zhinji pakukumbirana kuriita kwacho,

17. Onai kuti mapanana mumwe asati akotsira nekuti uyo akasvinura anokuvara nezemo umwe pasina zvaanzwa, ndopakuzosiya umwe asina kuguta,

18.Kunyimana bonde umwe ainezemo zvinokonzera kuti umwe ashaye hope kana kurwadziwa nhengo dzakavanzika dzake,

19. Kana umwe asiri kunzwa zvakanaka, garai mataurirana kuti nhasi hapana iripo, kuitira kuti umwe wako asazvinetse nekuzoshaya hope ,

20.Dzidzai kutendana kana mapedza kuita bonde, kwete kungonyarara , hauzozivi kuti ndafadza umwe wangu here kana kwete,

21. Dzidzai kudaidzana nemazita seekuti Honey, Sweetie ,Mumy , Dady, Lovie, kwete iwe , imi, (iwe ani ? imi ani ? ).


22. Garai makaudzana ma I love you naana I miss you kanodarika kashanu pazuva roga roga,

23. Ukanziwo Honey, itiwo Sweetie, kwete hweee !!! kana haroooo !!!!, Zvodzikisira rudo rweumwe wako kuti asi ndaita munhu asiriye here ?

24. Ukanzi I love you kana I miss you, zvinonzi I love you too kana I miss you too, kwete ehwo, kana ndotenda, Ipawo umwe wako manyukunyuku murudo,

25. Vimbanai,Dananai, Tauriranai chokwadi nguva dzose,

Apostle Sibiya vanovhara nekuti, rudo nebonde takazvipihwa naJehovah zvino kana tikangofarira izvi tichisiya iyi mupi wazvo takundikana. Bonde rinofanira kuitwa mukutya Jehovah uye pavakawanana voga. Svondo ino hatitendeukei kuna Mwari kuburikidza naJesu Kristu tosangana kukereke!!!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp