MUST READ: My Guy, Rasa Banga Iro IZVEZVI!

3 ½ years Apostle Peter achifamba naJesu, but munozoshamisika kuona achiburitsa banga muGethsemane achicheka nzeve yaMalchus. It's possible kuti munhu ava nenguva yakareba akagamuchira Jesu but (s)he goes around aine banga. 

Banga randiri kutaura harizi banga riri physical but it is any behaviour which causes harm to another person. Vamwe vane mapanga emashoko, if he/she tells you 1 or 2 words unoenda kunorara masikati machena nestress or kuchema kana kuzviuraya. Hanzi akapiwa rokufuga nokuwarira, hehehe, ibanga reshoko. Vamwe vane mapanga emakuhwa. Vamwe vane mapangaeshanje. Munenge muchiimba mese muchiparidza mese,  muchinamata mese but kana zvaipa that’s when you see banga richibuda muGemenzi, when push comes to shove munoona sword richibuda muSuit, Mufundisi Peter vanenge vafunga kucheka nzeve yemunhu.

Rega kuva muChristu ane hasha to the extent yekuti unoda kurwa nevanhu or kuvatuka. NO, hatirwe nenyama neropa asi neMweya yakaipa. Hazvidi mapanga izvi Simon Peter. Jesu aifanira kufira vanhu so that we can get salvation, so kwakauya masoja achida kusunga Jesu kuti vaende naye kunomurovera, among those soldiers ndipo paiva neMalchus murume wekuchekwa nzeve naPeter. In the eyes of Peter, Malchus is an enemy, but chaasiri kuziva is that Malchus is actually paPlan yekuita kuti Jesu afe so that people can get salvation. Peter haana revelation yezvinoda kuitwa naMwari that’s why akacheka nzeve yaMalchus.

Tine vafundisi vane maDegree eTheology but havana revelation yezvinoda kuitwa naMwari and they end upvakucheka nzeve dzevanhu, they end up trying to fight basa raMwari vachifunga kuti varikugona. Peter achicheka munhu nzeve, Jesu haana kuti, "Thanks, waita basa Peter."
Knife can be used as a dangerous weapon

Aiwa, akatomutsiura. Oh, there are times dzekuti unogona kuita zvimwe zvinhu uchifunga kuti uri kuda kubatsira Mwari but iwe uchitokanya. Iwe pauri ipapo kubatsira Mwari? Paakaita plan dzacho wakabatsira nei? Nhasi ndipo paunoda kubatsira nezigwese rebanga? Just like murume anonzi Uzzah, akaedza kuda kubatsira when He saw Ark yava kuda kudonha, but he died for that (2 Samuel 6:6-7).

So haizi nyaya yekuita manyawi uchida kugadzirisa pauri kufunga kuti pane error but tanga wabvunza Mwari kuti should I do this or not. Peter muGethsmane aitadza kunamata, he would sleep instead of praying, energy yekunamata haana zvake but energy yekucheka munhu nzeve iripo.

Tinavo vatendi vekuti simba rekunamata haana but remakuhwa anaro! Simba rekuverenga Bible haripo but rekuverenga zvinyadziso ndorakawanda! Simba rekuparidza haana but simba rekushora zvaparidzwa nevamwe anaro.
Rasa banga iro iwe mutendi, throw away that sword. Remember we are talking about Peter akaona Jesu paTransfiguration, akafamba pamvura (although akazonyura), akadya miracle bread, akabatiswa miracle fish, and experienced GOD’s power pane zvakawanda but still he goes on kunocheka nzeve yemunhu.

Ohhh ndipo panotyisa apa pekuti munhu anofamba naMwari zvekuti he experienced maMiracles mazhinji, akaona simba raMwari rinoshamisa, ane hobho maTestimony, but still ane banga raainaro, ane kamwe kaBehaviour kanokuvadza vamwe vatendi.

Rasa banga iro. Munhu anonzwa nenzeve handiti, so if you cut that ear, it's like hauchada kuti anzwe futi. So Peter kucheka Malchus nzeve it’s a sign yekuti he no longer wants kuti Malchus anzwe shoko rinoparidzwa. Don’t be a Christian asingade kuti vamwe vanzwe shoko, haudi kuti vamwe vagamuchire Jesu sei, why usingade kuti vamwe vapone, anything chaunoita chinoita kuti mumwe munhu atadze kunzwa nezveVhangeri raJesu is just like banga rinocheka munhu nzeve.

Rasa banga iro mhani. Any behaviour yaunoita semuChristu which causes harm to other ndiro banga & you have to throw it away. Whether kutuka, kushora, kunyeya kunyepa, shanje, anything which causes pain to other people is a sword which you must throw away.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp