Powerful - Chengeta Chikwama Chababa Chine Madhora!

Proverbs 4:23 Vasikana nditeererei. Taita dambudziko revanodya chimanda chavo vega nekukara. Vamwe matekenyandebvu, Rusambo, nezveumai vakazvidyira zvavo ndokuzopepuka vanaiwa. 

Hauzivi here kuti uri kuti uri kumudya asi unenge uchiruza simba rekuramba zvaanozodawo, wozonyatsodyiwa pakuru wava iwe nokuti zvaunodawo anokupa. Amoni angopedza kurara naTamari akamuvenga zvekuti dhu. Angorara newe chete mukomana haachakudi, akakuroora ndingamutya, Keke remuravidzo haritengwi. Chikwama chababa ngachirindwe kupfuura zvose zvingarindwe because out of it are issues of life.
Beautiful ladies should protect themselves
Kana uchida kuchengetedza moyo wako ziva kuti sex is for the married (full stop). Zvino zvaunoisa pachena chikwama chababa chichionekwa nematsotsi unozovaudza kutii manheru emuchato vakawana chakabiwa. Unozonyarira pai nhai sisi veku Church kwedu baba vako vatadza kudya mari yehumhandara hwako. Wadii wachengeta chikwama chababa icho mhani usingaiti hu careless nezvinhu zviri important. Unoenda kumba kwake kunodii, haaa newewo unozvidawo! 


Munozozviita sei murume okushushai nekuti wese wamangomira naye anenge ofunga kuti pamwe ndiye akakubvisa umhandara nekuti vakomana vanoziva kuti kubvisana umhandara isungano hombe yeropa isingaperi nyore. Chengetai chikwama chababa icho chine madhora. Pane vamwe vakabatwa chibharo, pane vamwewo vakarivarawo vakanyengerwa ne Soup sa Esau, asi chirega kuti nekuti Zvakatoitika, saka yatova Express line nguva dzose, Mwari ngavakupe umhandara hwepa mweya nemurume anonzwisisa. 

Halleluah Church. 
DEERA AMEN SATAN ABHOIKANE!
Like, Comment and Share!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp