African woman |
Chii chawakarongawo gore rino chauri kuda kuita chinofadza Mwari? Jesu akati aona kusvibira kwe muonde akati nzara yapera,neimwe nzira muonde ndiwo wakakoka Jesu ne appearance yawo.
Munozviziva here kuti pane vanhu vachatukwa najesu semuonde uyu mugore rino nekuda kuzviratidza zvavasiri? Munozviziva here kuti vanhu vazhinji vachafa panyama nepamweya nekuda kutevera kusvibira kusina maonde.
Lea aiva akashata asi aibereka, Rachero aive ngirozi chaiyo asi aisabereka. Gore rino rambira pakutenda kwega,siyana nezvivi zvawaiita 2017, nyengetera uchiti Baba ndinodawo kusvibira ndiine zvibereko, ndirege kuratidza zvandisingararami, ndirege kuva nekunyengera, kana isiri nguva yemaonde ndiratidze chokwadi kuti ndakaomerwa, jesu vandibatsire,zvawapinda 2018 haudaro uchatadzisa vamwe kunamata kana kunyadzisa mwari nemabasa ako akaipa here?
Ziva zvawapindira mugore iri ramwari,chokwadi ukaziva zvawapindira mugore rino, uchaona kubata kwamwari.
God bless you! Zvawapinda Wapindirei????