Pane imwe nyaya inondirwadza yemumwe mufundisi aishumira Mwari nemoyo wese saka zvakarwadza umwe muroi aiuya kuchurch akati mufundisi ava ndichavauraya chete nemishonga yangu.
Muroyi uyu akabva apa mufundisi ava present yemota. Mufundisi vakatenda vachiti, amai; zvamaita izvi hamuna kuitira ini asi muri kuzviitira imi.Amai ava vakashamisika kuti zvinorevei izvozvi mangwana acho vakasangana namufundisi kuma shops vachibva vavatengera 4 Piecer muChicken Slice. Mufundisi vakadya vachifara vakavati, amai zvamaita izvi hamuna kuitira ini asi muri kuzviitira imi. Amai vakashaya kuti matendero emunhu wa Mwari uyu matendero rudzii.
Amai ava vakabva vafaker kurwara kwapera 2 days kubva musi uyu vachibva vafonera mmufundisi kuti vauye vazovanamatira vachida kuvapedzisa neuroi hwavo. Mufundisi vakauya vakapihwa sadza ne nyama raive mu food warmer vachibva vati vaizodyira kumba. Vakavatenda zvikuru vakati, amai zvamaita izvi, hamuna kuitira ini asi mazviitira.
Vati fambe fambe kubva pamba apa mufundisi vakaona mwana wamai vaya agere pasi pemuti vakati ko chii nhai mwana, achibva ati, ndine nzara. Vakabva vamupa chikafu chiya vakati, chidya chikafu ichi, wonopa mhamha food warmer yavo.
![]() |
Zvawaita Nhasi, Watozviitira Iwewe! Chaunodyara Ndochaunokohwa! |
Vakabva vayeuka manzwi amufundisi ekuti; amai; zvamaita izvi, hamuna kuitira ini; asi mazviitira imi. Vachibva vafenda.
Chese chaunoita muupenyu mwana waMwari iwe has a way of coming back to you. Usamborare nevasikana uchivasiya uchifunga kuti wakangwara, asi uri kuzviitira iwe. Yako yekuita chikomba behind your husband"s back uchiti uri kuitira murume wako inhema, uri kuzviitira. Wakasunga murume ka iwe? Uri kuzviitira. Yako yekusada kubatsira vamwe iyi.
Vana veZimbabwe weee ngatiite zvakanaka nguva dzose; ngatiitire vamwe zvakanaka nguva dzose. Yako yekunongedzera mumwe nemunwe; nyatsocherechedza kuti zvigunwe 3 zvose zvakanongedzera iwe.!
Zvauri kuita izvi mwana wa Mwari weee, hausi kuitira uyo asi uri kuzviitira iwe! Hallelujah ...
0 Comments