Nhai Ndezvechokwadi Here Kana Kuti Ringori Firimu?

Zuva rakanaka kwamuri mose, inzwaiwo tsananguro iyi: Actor wemufirimu anogona kuActor achiDriver mota inodhura, akapfeka suit yakanaka with a good job, but vachingopedza kuShooter zvinobva zvanzi bvisa suit yedu upfeke hembe dzako, tipe makeys emota yedu. 

Iye oenda kunokwira maCombi.

Zvekuti ukamuona akagara paKadoma unovhunduka kuti ko haasi iye here murume anoactor achidriver Lexus. Ndezve kuactor chete, when the camera stops rolling anodzokera kuordinary life yake. Asi izvi mukunamata hazvidiwe. Zvekuti musi waunoenda kuChurch unenge uri muKristu akakwana, wakapfeka hembe dziri decent dzine hunhu, Bhaibheri rako paside, phone yakaiswa pasilent, uchidaidzira Amen Amen, uchikwazisana nevamwe zvakanaka, but Monday painosvika behaviour yobva yachinja. Bible rokandwa uko, hembe dzopfekwa dzisina kumira mushe, matauriro ochinja inege yangova rough yega-yega.
 Must Read: Could This Be True Or It's Just A Gimmick?

Christianity is not a one day event but a lifestyle, ndezvehupenyu hwese kubva panotendeukwa kusvika nekusingaperi you are always a Christian.


Rega kuda kuactor uchifadza vanhu paunoenda kuChurch but kana wava wega you start to live zviri opposite. Kwese kwaunoenda ziva kuti the cameras of heaven are recording everything, rega kufunga kuti zvinoperera kuChurch chete, rarama semuChristu kwese kwaunoenda, whether uri kuonekwa or hausi kuonekwa.

Vakorese 3: 23 "Zvamunoita, itai zvose nomwoyo wose, savanhu vanoshandira Ishe, kwete munhu"
Komborerwai muzuva ranhasi munaShe.

Adopted By Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp