Kushungurudzana Muwanano Baba NaMai: Asi Chii Nhai?

Maizviziva here kuti kushungurudza wauinaye muwanano kunodzosera imba yenyu kumashure? Maizviziva here kuti kushungurudza wawakawanana naye hakusi kumurova chete? BABA Maizviziva here kuti kugarononoka kuuya kumba kana kusatouya kushungurudza mhuri yako? 

Maizviziva here kuti kupedzera nguva zhinji yako pama social network e.g FB, Whatsapp kushungurudza? Maizviziva here kuti kusauya nemari yaunowana kubasa kuti muzoonera pamwechete nemhuri yako kushungurudza? Maizviziva here kuti kugara wakadhakwa misi yose hahusi hushoroma asi kushungurudza?


Maizviziva here kuti kushaya rukudzo uye kusarongera pamwe kushungurudza? Maizviziva here kuti kushayawo kana musi umwechete pagore waunombo waya wayawo namadam kushungurudza? Maizviziva here kuti kutuka nemazwi akadzama urema hwemunhu kushungurudza? Maizviziva here kuti kushaya nguva neumwe wako panguva iyo yaanenge asinganzwi mushe kushungurudza? Maizviziva here kuti upombwe nekuramba chikafu mumba kushungurudza? Amai maizviziva here kuti kushaya rukudzo kumurume zvikurusei pamberi pevanhu kana kuti pevana kushungurudza? 
Tisashungurudzane
Maizviziva here kuti kushayawo musi umwe pagore waunombotiwo sorry dear kushungurudza? Maizviziva here kuti kunyima murume wako bonde senzira yekumuranga pakutadza kwake kushungurudza? Maizviziva here kuti uchapa kushungurudza? Maizviziva here kuti kugarobvunzwa guhwa muraini kushungurudza murume wako? 


Maizviziva here kuti kuita zvawakanzi nemurume kwete kushungurudza? Maizviziva here kuti kushaiwa time nevana vako kushungurudza? Maizviziva here kuti kuchengeresesa kushungurudza? Maizviziva here kuti kushaiwa hanya nehama dzemumwe wako panguva dziye dzavanenge vakushanyirai kushungurudza? 

Maizviziva here kuti kusabika nemazvo kushungurudza? Maizviziva here kuti upombwe hunodzosera umwe wako kumashure kweupenyu hwese? Ko zvakaipeiko kuziva hedu Mwari sababa namai kuburikidza naJesu Kristu tozviendera kuchina nekuvarume kunodzidziswa, iwo mamarriage counselling nezvimwe kukereke yaJesu?

Adopted By Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp