Amen, Amen, Nemuromo Chete: Kusateerera Nenjodzi Zvinofambidzana

Vamwe sekuru vainge vane muzukuru wavo aikakama
rimwezuva vakaronga zvekunovhima musango pamwe nemuzukuru wavo.
Vakangoti vachangopinda musango muzukuru akaona mhembwe
akati kuna sekuru ''Seku..ru ho..ho..nai mhe..mhe.. "
zvikanzi nasekuru
" Nyarara ndaiona iwe "
Apa sekuru vaingodaira kuti zvipfuure sezvo vaifinhurwa nekukakama kwemuzukuru wavo.
Vakati vafamba zvishoma muzukuru akaona nhoro akati kuna sekuru " se..se..kuru ho..honai nho..nho ..nho ..."
Kusada Kuteerera nemoyo kunoparira
sekuru vakamugamha asati apedza kutaura zvikanzi "hachina basa icho hande mhani"
Zvechokwadi vakafamba vachivhima
vakazoti vasvika pamapako embira muzukuru akaona zinyoka rovambira raive rakazvambarara pakanangana nasekuru.
muzukuru akati "se..sekuru zi..zi.nyo..nyo...."
asati apedza sekuru vakamugamha vakati
"ndazviona iwe"
zvikanzi nemuzukuru "sa..sa.ka ma..itsi..kirei "
Sekuru vakada kusumudza gumbo zvikavaremera vakawira pasi nekuti vainge vatorumwa nenyoka.
Muzukuru akanodana vanhu mudunhu vanhu vakasvika wanikei sekuru vaye vatofa nehuturu hwenyoka vasviba kundo ndoo.
Hauzi iwe here sekuru ava hama yangu
zvaunongogara uchidaira amen,hemeni mukereke seurikunzwisisa shoko iwe uchidairira kuti zvipfuure.
shoko ririkuti nzira yaurikufamba nayo yakananga kurufu asi iwe urikungoti hameni kuti zvidarike.
Chenjera kupinda munjodzi yekusateerera.
Adopted By Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp