Izvi zvanga zvaporofitwa naProphet Elisha. Chandinetsa pano, machinda aya anga akaburitswa muguta coz of leprosy but hapana pandinozonzwa kuporeswa kwavo asi Prophet vakaporesa Naaman vaivamo muguta. Yandiitira zvakanaka iyi. Rega ndipinde pakuparidza.
Munhu akabva Syria akapora paSamaria but ipo pane vanhu vaiva nemaperembudzi vakatobviswa muguta nenyaya yedenda ravo. They were quarantined yet there was a Prophet aiporesa vanobva Syria. So Prophet vaibatsira vekure chete here? Or else vaida vane tunhu twavo here? Pakuverenga kwese hapana pandinonzwa futi pachinzi maperembudzi emachinda aya anga akonewekwa. Hama dzavo dzakavabvisa muguta coz ndiyo solution yedambudziko yavaiziva (kubvisa pane vamwe). Zvanga zvakajairika. Ndava pedyo kusvika pane zvawakajaira.
![]() |
Kumbira apindire |
Ndinonzwa vanhu paSocial Media, mumaKombi, pamaBanks nekwese kunoungana vanhu vanekumwe kutaura. Nyaya yavo iri yekutsoropodza vanhu vaMwari. Unonzwa vachiti, kana achiti anobatsira ngaamboenda kuJairos Jiri kwakazara zvirema andoita minana. Kana achiti anogona ngaandosvinudza varikukumbira mari pamaRobots. This is the general talk inoitwa nevanhu. Varikupa matestimonies ndevakandotorwa munzira here kana vakauya kunashe.
Vanhu huyai kunashe nemitoro yenyu yose iturwe. Naaman akaenda nedambudziko rake pamuporofita, machinda emaperembudzi vakasevenzeswa naMwari kundoona misasa yemaSyrians but vakaramba vane maperembudzi. Mwari vatiitire nyasha. Hamano kana zvajeka?
Adopted By Apostle Pride Sibiya
Adopted By Apostle Pride Sibiya
0 Comments