Mukadzi Benzi: Ndizvo Here?: Reverend Machakaire

Mukadzi benzi aputsa imba yake nemaoko ake, anoparadza marriage yake nemuromo wake, mukadzi benzi anogara nemurume asina kumubvisira pfuma, haana rukudzo kumurume wake, mukadzi benzi anovenga hama dzemurume wake, mukadzi benzi anoti mai vemurume wake muroyi. 

Mukadzi benzi anoreva vamwene vake, mukadzi benzi anovenga muroora wake. Mukadzi benzi anoda kutonga imba yemuroora, mukadzi benzi ibenzi chokwadi. Mukadzi benzi anomukira kubika asati ageza, mukadzi benzi anomukira kumaraini vamwe vachirongedza nekuchenesa dzimba, mukadzi benzi anotonga murume iro Bible richiti munhu kadzi zviise pasi pemurume wako (Ephesians 5: 22- 25). 

Mukadzi benzi anoreva murume wake nevamwe vakadzi, mukadzi benzi kana asangana nehama dzake anosvora murume wake .Mukadzi benzi haana rukudzo munharaunda yaagere, mukadzi benzi anomukira kumakuhwa mamwe madzimai achienda kuruwadzano.

Mukadzi benzi haazive musiwo weChurch, mukadzi benzi anosara mumba murume nevana vachinorumbidza Mwari. Mukadzi benzi anoti Pay yangu haishandi mumba, Mukadzi benzi anotumira grocery nemari kumusha kwake murume asingazive, mukadzi benzi benzi haadi hama dzemurume pamba pake. Mukadzi benzi anorara navatezvara, mukadzi benzi anodanana neshamwari dzemurume , mukadzi benzi anoita bonde nevaramu, mukadzi benzi anonyima murume bonde , mukadzi benzi anorara akapfeka hembe iye murume aripo, mukadzi benzi anoraisa mwana pakati pake nemurume . 
Mukadzi Benzi: Ndizvo Here?: Reverend Machakaire
Mukadzi benzi anorara asina kugeza , mukadzi benzi anotangirwa kumuka nemurume , mukadzi benzi anosiya baba vachienda kubasa nenzara , mukadzi benzi haazive kuti baba vanoisirwa mvura yekugeza kuBathing room, mukadzi benzi haaronge pamwe nemurume, mukadzi benzi akatambira mari yakawanda kudarika murume haakudzi murume wake, mukadzi benzi anotukirira murume pamberi pevana. Mukadzi benzi ane makaro neusimbe. Mukadzi benzi anochiva rugare rwepanext door, mukadzi benzi doesn't appreciate her own husband. Mukadzi benzi anopedzera mari muIce Cream netwumwe twunonaka Mumba musina hupfu nesipo, mukadzi benzi anodya school fees yevana vake, anotora chimbadzu / Loan murume wake asingazive, mukadzi benzi haabvi muvarume and haadi kutamba nevamwe vakadzi.

Mukadzi benzi haagoni kupfeka chaiko. Mukadzi benzi anotenga hembe dzakabvaruka kare dzinovhara muviri dziripo, mukadzi benzi anofamba ari half naked. Mukadzi benzi anoviga mari yake muBraa, mukadzi benzi haakweshi mazino uye hapwa dzake rinenge sango chairo, mukadzi benzi anofarira kubhawa mamwe madzimai achitambira kuChurch, mukadzi benzi anouraya murume. Munyika yakaoma kudai mukadzi benzi haashandisi maoko ake kubatsira murume wake, mukadzi benzi anoita gumbo mumba gumbo panze, mukadzi benzi anoti ndaRepwa nemurume wangu .mukadzi benzi ane huchapa nguva dzese.

Mukadzi benzi anoti kumurume wake takaenzana /we are 50/50 iro Bible richiti Murume musoro wemba. Mukadzi benzi anoisa security code paPhone yake kuti murume asaibate. Mukadzi benzi anotora mazita echikadzi ese aawona mufoni yemurume wake achitukirira kuti munodanana nemurume wangu. Mukadzi benzi misuse family funds and property. Zimukadzi / zigadzi benzi rinorova murume. Mukadzi benzi akawona murume wake achihura naiye anohurawo. Mukadzi benzi anofamba nzendo dzisingazikanwi nemurume wake .mukadzi benzi anoti kumusha kwemurume kune varoyi as if kwavo hakuna. Mukadzi benzi anopesanisa vanhu mumusha maakarorwa. Mukadzi benzi ane makuhwa nepaChurch chaipo . mukadzi benzi anotonga dzimba dzehanzvadzi dzake.

Mukadzi benzi haadi zivo ,mukadzi benzi anorwara nguva yekurima kana yasvika. Mukadzi benzi anofamba achizviita Single lady iye akaroorwa. Ini muranda waMwari Rev C V. Machakaire ndinoti mukadzi benzi anosemesa denga uye akatukwa naMwari .mukadzi benzi akaroorwa nemurume benzi hapana chakanaka chinobuda.

May God Richly Bless Your Marriages For Ever.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp