Iwe Shamwari Chako NdeChako!

Genesis 40-45: Jacob audzwa kuti mwana wako Joseph afira kusango but chandishamisa anosvika pakuita harahwa asinawo kana 1 pavana vake waazodza. Kunyange zvazvo Benjamini akava favourite son after Joseph but haana kuzodzwa panhaka. 

Ko nhai Jacob iwe wakasiirwa nhaka wani nababa Isaac but iwe sei usirikudawo kuzodza any of your child. Ndopandadzidza kuti Chako ndeChako nyange ukatengeswa ndeChako.

Joseph nyangwe zvazvo vakazama chose kutsikirira hope dzake nekumutengesa, still he reached his destination. Kwababa vake hakuna akasara akatora chinzvimbo chake.
Iwe Shamwari Chako NdeChako!
Ndinzwe nhasi iwe uripakutambura, ndauya neyakanaka. Satan akakutora akakutengesa aona kuti une hope dzakanaka but haana chaakagona. Chako ndeChako. Akaziva kuti une maleadership qualities akakushaisa mari yechikoro coz akatya kuti ungazoita Manager ukadzidza but Chako ndeChako chero usina kudzidza you will one day own your own company. Ndiye akakushaisa marriage makore ese aya. Wava kutochembera pasina chabuda but Chako ndeChako nguva yako yakwana.

Wakashaiswa mbereko but zvose izvo satan akairasa ndati Chako ndeChako achasvotwa akazvirega wabata wako mumaoko. Wakadzidza chose but satan akakutengesa to the World of Unemployed manje haana chaakagona Chako ndeChako.

Zvimwe zvakaramba kwemakore. Waneta. Wakambozvitsanyira but still zvakangoramba. Satan angakutengesa zvako kunyika yevatamburi but nhaka yako haipihwe umwe munhu iwe uchiri kurarama. KWETE!!! They have declared your dream dead but ndati naJehovha mupenyu anorarama Chako ndeChako. Sunungurwa nezita raJesu!!!!

Adopted By Apostle Pride Sibiya.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp