Chimbokumbira Kudzidziswa Kuverenga, Handiti!

Kana usina kuzvarwa nemukadzi usazvinetse zvako nekuverenga Sermon iyi nekuti it will not concern you. Munhu wese akazvarwa nemukadzi una mazuva mashoma panyika, azere nekutambudzika radaro shoko ra Mwari. 

Hezvino waudzwa kuti una mazuva mashoma, ndafara kuti wava kuzviziva. Kana munhu aine mota 1, anoibata mushe kwazvo with all carefulness, asi kana dzakawanda anoita zvaanoda nekuti chero ikafa anotora imwe. 
Tidzidzisei!
Zvino isu tanzi mazuva edu mashoma, haana kuwanda, saka uri kuitei mutwumazuva twako. Iwaya mashoma kudai ndiwo auri kunwa hwahwa.? Iwaya mashoma kudai ndiwo auri kudadira vamwe nezvinopera.? Iwaya mashoma kudai ndiwo auri ku cheater partner yako.? Iwaya mashoma ndiwo auri kuchengeta zvigumbu?etc.
Kubva January kusvika December, pane mwedzi wako 1 wauchafa iwe uri kuverenga. Kubva Monday kusvika Sunday pane zuva 1 rauchafa iwe uri kuverenga. Pamwe achava mangwanani, masikati, manheru kana pakati peusiku asi pane nguva dzauchafa. Zvino Mapisarema yati, Ndidzidzisei kuverenga mazuva angu, kuti ndizviwanire moyo wakachenjera. Handiti mazuva ako mashoma iwayo ari kufamba so, asi haudi kuroora. Handiti mazuva ako mashoma ari kufamba so, asi unoona vanhu kunge miti.

Gona kuita zvakanaka kune vanhu vose vose kuti zita rako rizonodaidzwawo kueternal life kwete pano pamatende nekuti Bhaibheri rangu rinoti, Tsvakai rugare nevanhu vose, nekuti kunze kwahwo hakuna ungatoona Mwari! Tinogona kuchooser vanouya kumuchato, birthday, graduation etc asi hauzivi vachauya kurufu rwako. Iwe ucharara uri wega, urimo muguva, hapana anoziva musi kana nguva.
Dai ndiriiwe i wld not waste time ndichidadira vamwe, kusaregerera zvawakatadzirwa nekuita zvivi zvendudzi dzose mumazuva mashoma aya nekuti tinodiwa kudenga. Rimwe shoko roti chiiii chichatiparadzanisa nerudo rwaJesu Kristu? Kumbira Mwari vakudzosere pfungwa kwadzo ufunge zvirikumusoro. Gara munyasha hama yangu uchiziva kuti unodiwa naTenzi!!! Ngatigashirei Jesu saIshe naMamb pamazuva iwaya mashoma tigadzirire ramamgwana.

Adopted By Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp