Chenjera Mhepo YaAugust!

July haaasi August! Chando chava kuda kutoenda naJuly hongu but August ane mhepo dzake. Ndoda unyatsonzwisisa kana ndichitaura nyaya yemhepo. 

Mhepo chinhu chinobhowa, kushungurudza ,kutosvora, above all mhepo inokonzeresa. Confusion haiunzi mufaro. Zvino ndoda ungware hama yangu nekuti August watava kupinda uyu anouya netwo types of Mhepo:

Mhepo yekutanga ndiyo inosimudza dust neguruva ichitosvora nekusvibisa isu vemaSuit kana vema weave, haaaa iyi mhepo yakashata but iri nani kani pane imwe yacho yandiri kuda kutaura nezvayo pano nhasi.

August in Shona unonzi Nyamavhuvhu becoz mhepo dzinooneka nedzisingaoneki dzinovhuvhuta zvakanyanya mwedzi uyo . Ndiwo mwedzi unotambira hama dzedu dzakawanda kumakuva or kumarinda, ndomwedzi unocherechedzwa vafi zvakanyanya uye vasati vaziva Jesus Christ. Ndomwedzi wavanoti tiri kudzora vafi mumusha or kurova makuva. Zvabva zvandisvitsa pamhepo yechipiri inova mweya yetsvina. 
Chenjera Mhepo YaAugust!
Hapana umwe mwedzi unosimudziranwa mhepo saAug because a lot of people vanenge varasa communication yavo naMwari vave kumutsana nevafi. Hapana munhu anogumbura Mwari semunhu anomutsa kana kunetsana nevakafa, shoko robva rati vakafa havana chavachaziva & havachina mugove pano panyika iwe takarisima kuenda kumukuva hanzi mukai muchengete/mutarise vana .


Ziva zvaunofambira August uno, ziva chaunoshandisira mari yako mwedzi uno, cherechedza ungano dzauri kuda kuenda mwedzi uno. Ndinoda futi urangarire August ane record hombe yemaacciddents. Ropa rakawanda rinodeuka in Aug becoz a lot of people will be worshiping the devil and the dead not the Living God, zvino hasha dzaMwari dzinonyanya kana tikarumbidza vakafa kudarika Musiki . Mutendi shinga kunamata iwe ndati Aug ane mhepo. 

This is the month inotengwa bute, midhombo, micheka yemashavi kudarika zvimwe zvese, a lot of people will be connected kuvakafa zvakanyanya than kuna Mwari asi iwe wakatengwa neropa raJesu stand like a rock, mira wakasimba seCornerstone and hakuna chichakuwana nezita raJesu May the Ever living God richly bless you and protect you kumweya yekumakuva nekumweya yemasatanists nezita raJesu. Amen.

Join in with thousands of Christians as they pray for the first 21 Days of August and declare Jesus Lord, Satan Tasa!

Adopted by Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp