Chakunetsa Ndochiziva: Reverend C.V Machakaire

Ndinoziva pane zviri kukunetsa mudikanwi, hongu pane zvadya Moyo wako, pane zviri kukushungurudza ichokwadi, ndiri kuona uri kunetseka neurwere. 

Hongu wanetsekana nekushaiwa mbereko , ndinozviziva vamwene vako havakude , ndinozviziva kuti munonzi munoroya nemuroora wako chaiye , uri kushupika nekushaya basa muhupenyu hwako , urikurwadziwa nekusiwa nemudikanwi wako , hongu washaiswa mufaro nemurume akakuroora , ndiri kuona uchidzungaira nekuda kwemukadzi wawakaroora , ndiri kuona uzere nemisodzi pamatama nekuda kwevana vawakabereka , ndiri kuona moyo wako waputsika nekuda kweshamwari yako kana mudikanwi wako, watambudzika zvikuru nePay/salary yako isingauye, ichokwadi uri kupunyaira nekuda kwemukwasha wako asingadi kubvisa pfuma/roora, ndiri kuona uchidzungaira nguva ino kushaya chekupa vana kuti vadye, uri kunetseka izvozvi kushaya chekupfekedza vana vako, ndiri kukuona uchisvimha misodzi nekuda kwenherera dzawakasiirwa nehama dzako.
Munamato unesimba
Hongu wakatizwa nemurume ndiri kuzviona , hongu murume wako haakupi kana cent muhupenyu hwako, ndiri kuzviona kuti mumba menyu hamuna hurukuro, ichokwadi kuti mumba menyu hamuna mufaro nerugare, ndiri kuzviona washungurudzwa nechipfambi chemurume wako , ndiri kuzviona kuti unofudzwa nemweya yakaipa muhupenyu hwako , hongu unombobatwa nemweya wekuda kuzviuraya kana wagumirwa, ndiri kuzviona kuti watambura kutsvaga fees yevana, hongu waperezeka muviri nendangariro, ndiri kuzviona kuti wapedzerwa pfuma nen'anga nevaporofita venhema asi chabuda hapana, ndiri kuzviziva kuti business rako rave kuparara, hongu pfuma yako iri kupera zvisinganzwisisike, ndiri kuzviona kuti mumhuri yenyu hapana chiri kuendeka , ndinozviziva kuti muri kupera kufa mumhuri yenyu zvausinganzwisise , ndiri kuzviona kuti hauwadzani nevabereki vako, ndiri kuzviona kuti une munyama nejambwa muhupenyu hwako, hongu unoshunguridzika nehudofo hwevana vako, zvishuvo zvemoyo wako ndiri kuzviona, zvaunoshuvirawo kuita ndiri kuzviziva . 
Hama yangu zvese izvi zvave kunopera. Gamuchira Ishe Jesu muhupenyu hwako, taura naMwari zuva nezuva, famba naMwari nguva dzese, gara pedyo naJesus Christ nguva dzese, usabve muPresence yaMwari, blood of Jesus ngarisuke zvivi zvako, reurura kutadza kwako nyasha dzaMwari dziuye pauri, blood of Jesus Christ ngarisangane neropa rako urarame, blood of Jesus Christ ngariunze kupenya nechiyedza muupenyu hwako, blood of Jesus Christ ngaridzinge mweya wemaramba denga muupenyu hwako , blood of Jesus ngaripedze matambudziko ese muhupenyu hwako, blood of Jesus Christ ngarichengetedze basa rako nemhuri yako, blood of Jesus Christ ngaribate muromo wako uzive zvekutaura nezvekusataura , ndinoda usiye kutamba nevanhu vasingamate , associate with people who add value in your life , associate with people with the same mindset ,associate with people who believe in you, associate with people who see greatness in you , better be alone than to be in an ill or bad company. 

Nguva ino ini muranda waMwari Rev C V .Machakaire ndinanamatira rugare , runyararo, rudo, mufaro , hutano , kubudirira ,kusimba muhupenyu hwako , in your marriage , in your relationship, in your family, in your country nemubasa rako, vese vari kutsvaga basa receive now in Jesus Christ's name, gamuchirai makomborero edenga vese vari kuda kuroorana. Nyasha dzaMwari nerugare rwaIshe Jesu nekuwadzana kweMweya Mutsvene ngazvive nemi kwemisi isingaperi.


Rev C V. Machakaire is an Expert in Social Psychology and a Senior Marriage Counselor at The Marriage and Counseling Centre of Zimbabwe ( MCCZ ) .He can be contacted on 0775 170 761 / 0733 362 411 , E-mail : cvmachakaire@yahooo.co.uk , App : 0775 170 761
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp