Shaa, Sungirira Imbwa Yako Iwe! Imbwa Pacheni!

Imbwa zvayakange yakasungirirwa yaivenga chain yayainge yakasungirirwa nayo. Payaiona dzimwe dzaingofamba-famba padzadira, yairwadziwa chaizvo, ichingoti dai ndirini zvangu.

Rimwe zuva panext door pakaraswa chikafu yakatarisa ikanetseka kwazvo kuti dai pasina rwucheni urwu ndadya chikafu ichi ndanakirwa zvangu. Pasina nguva imwe imbwa yakabva yasvika ikatanga kudya chikafu chiye. Iri pakati pekudya, iyi ichitsva nemwoyo, yakatanga kukosora, munguva pfupi, aaah furu razara muromo wese, haichina simba ndiye pfurugwada, pfari pfari ndiye zii, tasiyai. Imbwa yekusungirirwa zviri mumaziso.
Imbwa inoda kuchengetedzwa
Yakatanga kuona kukosha kwe "rwucheni rwuya" nechepasi-pasi pemwoyo wayo yakatenda muridzi wayo nekuisunga kwaainge aiita. Inga dai iriyo yakatanga kudya ndokufa, asi nekuda kwechain rufu rwakaipotsa. Saka hama yangu ndiri kuti kwauri, mitemo yaMwari inoita sechain inotisunga kuti tisanakirwe nenyika, tichirwisa kuidambura kuti tidye chepfu yenyika yaSatan dhiyabhorosi. Patinoona vamwe vanorarama pasina chinovadzora, vanoita sevanofambirwa neupenyu, asi zivai kuti upenyu hwavo huri pangozi. IMBWA PACHENI, MUNHU KUSHOKO RAMWARI! Pauchaedza kurarama neshoko raMwari uchasekwa ugoshorwa. Ipapo usadzokere shure, nekuti uri kusekwa kuti udambure chain iri kukuchengetera upenyu hwako. Rambira pana Jesu ipapo usadye chepfu chasatani chinoendesa kugehena!

Nhasi hande pacheni, gashira Ishe Jesu saIshe naMponesi wake uende kukereke inodzidzisa zvokwadi yeshoko raMwari.

Adopted By Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp