Seiko Kuonda?

2 Samuel 13:4 Vakomana chivi chinodya ... Hey!! Chivi chiri rough hama dzangu. Amon afunga kurara nehanzvadzi Tamari zvinonzi shasha yakafungisisa kusvika pakuwonda.


Jonadabi akatozobvunza chakanga chadya muviri izvo shasha yadyiwa nechivi.

Topic: SEIKO KUWONDA. Nhasi hameno zvake achagara papfumo chenjera kubaiwa.
Kuonda
Munhu akange awonda ane zvimwe zvaanenge asingachakwanisi kuita. Handisi kutaura kuwonda kwenyama ini ndingakupotsa zvimwe urimutano chose. Ndirikutaura kuwonda kwemweya,,,,,,apa mharidzo inogona kukubata chete. Hama inodikanwa muna Kristu Jesu, ndokumbirawo kubvunza mweya wako uchakasimba here? Sei uchitya chando kusvika pakutadza kumuka kunamata manheru? Ndiyani wawakanzwa wakafa nekutsanya? Unoita week rose wakagumbukira guhwa. Aaaaaah wakaonda iwe.

Zvibvunze hama yangu kuti muviri wangu pamweya ndiwo here? Bvunzisisa muviri womukati kuti SEIKO KUWONDA? Wonzwisisa pawakarasika. Ukadaro hama yangu muviri wako womweya unodzoka pakusimba kwekare. Zvakazarurwa/Revelations 2vs5 inoti, 'naizvozvo rangarira pawakawa'. Newewo ita izvozvo, utsvage muviri wako wekare paya uchiri kamwana kadiki. Hameno kana ndajekesa.

Adopted By Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp