MUST READ: Urikushanda Kana Kuti Urikushandiswa?

Pane chinhu chandakaona chirikundirwadza. Satan anotoziva nechekare kwaari kuenda nekuti akatongerwa gehena. Chaasingade kuenda ega. 

Zvino Satani aakushandisa vana vevanhu kuita zvaasingaite iye. Pane kumwe kutadzira Mwari kwataakuita kunotovhundusa Satani nekuti iye haadaro: "NDAKATOUDZWA KUTI PAKATI PENYU PAVE NEHUPOMBWE, HUYA HUSINGATOITWE PAKATI PEVAHEDHENI..."(1 Vakorinde 5:1)

URIKUSHANDA KANA KUTI URIKUSHANDISWA???

Dai Satan ainwa basa rake raigara rakadhakwa. Haanwe anonwisa iwe otokuroverera pamberi paMwari kuti its you who makes ca ... great ... NDIWE!
Urikushanda Kana Kuti Urikushandiswa
Dai Satan aiputa ahhh angadai aakurwara neT.B manje. Haasvute anotuma iwewe otokuseka kuti ma-son iwe uchiti ndoputa Mad*on. NDIWE!

Dai Satan aiita hupfambi angadai achigara achibatikidzwa asi haadaro, anoshandisa muviri wako iwewe kuti arwadzise Mwari nekuti muviri ako iTemberi yoMweya waMwari.

Dai Satan airoya aidonha murusero, asi hakadaro kanoroyesa iwe!

URIKUSHANDISWA HAMA!

Hama yangu uchaneta riinhi nekushandiswa naSatan. Ini 1984 ndakanzwa shoko ndikati pasi tsve-e zvekushandiswa. Vamwe vapera nezvirwere zvavakawana mukushandiswa naye...ko Mwari wako uchamushandira riiniko? Nhasi ukafa kune mufaro here kumatenga nekuda kwako? Dai ndirini iwe ndati Apostle Sibiya ndoda hangu kunamata Mwari. Namata nemi munamato uyu, vhiki rino utsvage kereke yakanaka inoparidza Bhaibheri uende: "Ishe Jesu, ndaneta kushandiswa naSatan. Pindai mumoyo mangu muve Ishe naMambo. Ndichakushandirai misi yose yeupenyu hwangu! Amen.

PLEASE SHARE AND TESTIFY WHAT GOD HAS DONE FOR YOU.

Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp