Mrs Nho***: Kugonera Murume Wako Pane Vanhu: Special Meal For Married Women.

A special meal for married ladies ... 2 Corinthians 7 verse 16 only Munhurume ndiyo mhuka iri nyore kupingudza. Provided waziva nzira chadzo. Nhasi ngatimboonesana kushaisa hunhu or chimiro kwamunowaita paruzhinji. 

Pangava parufu, pachurch, paungano yemumusha menyu, pamusangano, kubasa kana papi zvapo as long paine vanhu vanodarika mumwe chete. Murume wako ndiye baba wemba yako. Whether he is tall,short,fat,thin,black, ugly,disabled, employed or not employed, fool or what ever yu name him. As long you are married to him customarly or anyway as long yu permit yourself to get into marriage agreement.

HE IS YOUR HUSBAND ... Wakadzi vazhinji hamudi kuwandirwa. Munodeedza murume kuti iwee, uribenzi Joe , haunakukwana baba waTee. Kana wazviona kuti ibenzi or haana kukwana wadii kuzomuudzira kumba penyu mega.
Kugonera Murume Wako Pane Vanhu: Special Meal For Married Women.
LEARN TO PROTECT YOUR HUSBAND. Kana daddy vari pane vanhu usangovadeedza muchiita tumatumba twenyu pane vanhu. Dzidzai kukurukura nhau dzenyu kumba. Usade kuti vanhu vazive kuti ndiwe uripanyanga ... Unoona mukadzi achibata bata murume ... kuisa maoko ake muhomwe dzemurume achinge arikutsvaga mari. Kugadzirisa kora yehembe yemurume nekupina mabhatani ehembe yemurume vanhu wakatarisa. 

Amai dai mazviziva kuti baba havana kupfeka mushe madii kuzviitira kumba kwenyu. Usabatire chirungu pamusoro nekudeedza murume wako nezita ,hazviratidze tsika pachivanhu chedu. If yu feel like yu are over excited maybe muri pacouples meeting. Nyaya dziripo dzakwidza temperature yako. Dont show it to people kuti i am on heat now by grabbing daddy,kumurova magaro,kupinza maoko ako mubhurugwa make or kissing him. 

If you want anything from your husband muri pane vanhu just text him or sent someone moenda paprivate place and talk... Definately this will raise your dignity levels. Never never never quarrel for your husband food paruzhinji ..."Heee baba wekwangu ndowatenga chikafu chese chiripano saka wapei first. Daddy wekwangu havasati vadya ndipei chikafu ndiye arikushanda pano." 

Munoshoresa murume wenyu amai anoshaya pekupinda mukadaro.. Usave mudzimai anotaurisa pane vanhu. ( inzwai inini madzimai ,tisu taivepo!) Dzidza kunyarara wopindura kana uriwe wabvunzwa. Usadzidza kungoti chese chese "baba wekwangu wanozvigona huyai mutaure nawo" ... 

Unoguma waexposa murume wako kumiyedzo yaunozochema nayo mangwana. Usakwerete mari kumurume wako pane vanhu. Ungadai ane mari isiri yake ...nekunyara anoguma akupa asi chiziva kuti watomupa extra expence and headaches ... watomugumbura ...

Dzidzai kupedza maissues emumba menyu muri vaviri. Musadzidze kupedzerwa hondo dzenyu naPastor or sahwira .....munopinza muedzo mumba maenyu amai. Murume akakutevera kuungano kwamuri amai.. Musamubvunze pane vanhu kuti.." baba Bee zvii zvamati pfekera ...yohweeee zvomoita kunge chireshe... Anotsamwa akasavimba newe. Muudze zvine ungwaru muri mega kuti " daddy paungano dzakadai ndopanoda kashirt kaye kered nekajean trouse keblue zvinokufitai. He will feel loved and caring. Usafananidze daddy wako nevamwe warume. Be it good or bad. " Baba Tee honai zvakaita sekuru Bee. Ndokuchengeta mbuya uku ... Sekuru dzidzisaiwo muzukuru wenyu machengeterwo emukadzi"!! 

Musazodaro madzimai munozvipwanyira imba yenyu mega. Kana amai murimi munoshanda ...kazhinji paungano dzeruzhinji panodiwa macash contribution , dzidzai kupa baba mari wabvise ivo munowakwidziridzawo chiremera paruzhinji. Kwete kuti baba Tee masvikako nyoresai zita chete mari ndichatevera nayooo.. uuuuuuuuh madzimayi ... musadaro ... Mupeiwo kamari kaanofamba nako asunungukewo kutaura panevanhu pamusoro pemari. Usamuudze kutadza kwake pane vanhu kana pane vabereki vake. Anoshaya pekupinda. Your choice is not his choice ... mupe mukana wekusarudza chaanoda. Takasikawa zvakasiyana namwari. 
Chingava chidhakwa usadzidze kumutevera kubhawa kana paarikutandara neshamwari dzake. Mupewo mukana wekumbo refreshaa. Vakadzi wazhinji munorasika apaaaaa Kana muri paungano unonzwa mudzimai achiti "muzaya udza sekuru wako wasimuke apo wabatsirane mabasa newamwe ...wakangoti kuzuzu apo asi wane malaria kani" This will affect your husband ... anotsamwa akashaya trust in yu. Pada kugara kwaakaita arikurwara haana kukuudza or haazvigoni zvirikushandwa newamwe.. saka haadi kuratidza urema hwake kuvanhu. Musiyei asununguke amai ... zviri kwaari kuita basa kana kurega. Usati kana akupakurirwa chikafu paruzhinji woti... "icho ndecha baba wekwangu here ? ... pungurai haadi sadza rakawanda...isai 1/4 spoon chaiyo rinosiiwa mukapa imbwa."
MUNOURAYISA MURUME NENZARA AMAI Uku ndokushaya hunhu kwenyu amai .....kwekuti kana wanopakura chikafu wakupakura moti ini changu sanganisai nechadaddy wekwangu todyira mundiro imwe ..... Modaidza murume kubva panevamwe warume kuti huyai mudyire kuno ndatosanganisa nechangu.... ( ndokushaya hunhu amai.....wakoshei baba wekwenyu pane vamwe warume waripo.) Musiye adyire kuchoto kune vamwe warume. Kana makakomborerwa nemudziyo wemotokari .... Kkkkkkkkkkkk aaaayaaaaahhhh Amai ... usangosimuka simuka muchinotora makey emotokari muchingoridza sireen yemota muchiita kunge panezvamurikuda mumota ipo pasina.. 

You will iritate pple and munoshoresa murume wenyu. Torai twenyu twese muchingosvika mobva pamotokari..wanhu wanozviziva kuti ndeyenyu. Kana muchivata parufu or paungano or pachechi.....musanovata mumotokari amai ....vatai kune vamwe madzimai. Uye musangoti kana musingadi kuvata pane vamwe modeedza murume kuti handei kumba ndava nehope........siyai baba paungano pane vamwe. Munotukisa murume wenyu newamwe warume Musade kushamisira paungano .....kudeedza baba kunogeza mese ... (kushaya hunhu) 

Pangava padare or papi pangada kuti muudze vanhu pane pfungwa dzenyu mumba menyu musapindura chiro amai itii tichambokurukura nababa ndivo vachazokuudzai.. Zvinopa murume wako chiremera pane vanhu nemuraini mese. Musareva murume wako nevanhu ..be it babamdiki .mainini whoever akazozvinzwa hazviiti mushe mumba mako ..... Ndovimba madzidza zvakawanda madzimai ..... Izvi ndozvinodiwa namwari. Rudo rukawapo mumba menyu namwari anosununguka kukushanyirai .... Once again i thank yu for your time.

Written By Anonymous Woman and Adopted By Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp