18+ Mukadzi Chaiye Pabonde: Contributions By Men

These are the views of men that wrote. I do not agree with them all but listen to what men say:

1. Mudzimai chaiye anogara akagera kunyasi kwake kuchigara kwakaita seko mwana mucheche. Uye anokugeza zvemhando yepamusoro nguva dzose.

2. Mudzimai chaiye anopa baba zviro zvavo nguva ipi zvayo. Pa lunch or chero paafungira kuve adventurous. Kunyanya nyanya kana vachizofamba rwendo kwezuva or mazuva & vachango svika kubva pa rwendo.

3. Mudzimai chaiye haaiti sedanda pa bonde, anoshereketavo (rhythmically).

4. Mudzimai chaiye anogeza kunyasi kwake apedza basa rakakosha repabonde.

5. Mudzimai chaiye ANOFANIRWA kuchemerera pakunakirwa pabonde. Hazvinyadzisi.

6. Mudzimai chaiye anoita zvada moyo ne nhengo dzomuviri womurume wake zvokuti baba vanoita sevabatwa nemambure.

7. Mudzimai chaiye anoite comment zvino kuyemerera kana achinge apedza basa. "Asi manga moda kundiuraya kanhi", "potayi muchiite zvishoma ndakura ka ini", "hezvo, asi ndezve vhiki rose kanhi", "aah, mazuvano monyanya, veduwee", "kuti kune umwe murume anozipa semi" etc.
Mudzimai akangwarira
8. Mudzimai chaiye anoyikumbira kunyangwe atsamwiswa nekuti kutsamwa hakutadzisi kunakirwa. Zvinoto kavhirana.Sometimes make-up sex is the best!

9. Mudzimai chaiye ano perfomera murume wake apo nepapo. Kugara beya, kupfuura achibata "kule"mavakavigwa mutarauzi, kukotama kotama pamuri mega, kukweshera ma sitting facilities pamurume wake, kuchonyana...etc.

10. Mudzimai chaiye haapire baba bonde murima all the time, kana mumagumbeze. Anopa chero mu bathroom.

11. Mudzimai chaiye haapfeke hembe refu kana ari mubedroom nokuti hamusi mu church. Uye anopota achirara ari bunun'unu/asina kusimira, nokuti ndihwo hurimbo hwake ihwohwo. "ZESA" inototi ibate chete apo nepapo.

12. Mudzimai chaiye anopa baba zviro zvavo makuseni vasati vaenda kubasa. Ngavaende havi yapera.

13. Mudzimai chaiye anopa murume wake nenzira dzakasiyana siyana. (Mastayira ekupakurira baba nawo akawanda). UYE NGAVA PIRWE PANZVIMBO DZAKASIYANA SIYANA.

14. Mudzimai chaiye anoronga kuti amboenda nababa kumafura mhepo kwaanonovapa zviro zvavo pamadiro. Kana kuti anoronga kuti pamba pasununguke kuti basa rigoitwa chero papi mumba menyu; mu sitting room, chero mukicheni chaimo

15. Mudzimai chaiye anopa murume wake zviro zvake kusvika murufu. Hapana ndakura nokuti "sekuru" vanenge vakuravo.


Kikiki ndakaseka hangu! Munofungei madzimai neizvo! Asi regai nditi chikuru chaicho pane zvese kugashira Ishe Jesu saIshe naMambo weupenyu hwako. Bonde nedzimba takapihwa naMwari tisakanganwe Mwari wacho! Iti, "Ishe Jesu pindai mumoyo mangu muve Ishe naMambo weupenyu hwangu!" Chitanga kuenda kuChurch nekuzvinamatira, kuverenga Bhaibheri nekuudza vamwe pamusoro paIshe Jesu. Amen.

Adopted By Apostle Pride and Pastor Anna Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp