Varume Chimbomirai Kutishusha Please! Part 1

Kuti murume ahi anoshusha chii chaanenge achiita uye zvinogadziriswa sei mumba kuti muite mufaro? Pakutaurirana tinohwa vamwe vachiti varume vanoshusha. Toda kuongorora kuti chii chiri kuitika mudzimba idzi uye zvinogadzirika here?

Chimwe chemaitire anohi kufoya ndechokuti murume anotsoropodza mukadzi pese pese kubva pane zvinoti
  • Kubika kwake,
  • Kugeza kwake
  • Mapfekere ake
  • Runako gwake
  • Kuti ange ari mhandara here kana kwete pavakasangana
  • Chikapa chake 
  • Unhu hwake
Zvese zvinoitwa nomukadzi murume anotaura nezvazvo nokuipa kwazvo kuti mukadzi anatse kuhwa kuti haagutsi murume chero papi zvapo, uye kuti anatse kuhwisisa kuti haadiwi pamusha apa.
Mukadzi haadi kugara ari misodzi.
 Murume uye mufungwa dzake kazhinji anenge asiri munhu akaipa sokuona kwake, kana kuti mnhu asingadi mukadzi wake panezverudo. Asi kuti munhu achiri pwere panyaya dzokugarisana. Anoona sokuti kutsoropodza zvaitwa noumwe munhu zvinoratidza vanoterera kuti iye ndiye nyanzvi pazvinhu zviri kuitika kana kuti paruzivo gwezvinhu zviri kuitika.

Kana mavhakashigwa nevaeni, mukadzi obika, murume achiita nyaya nevaeni. Nyaya dzake hadzisi dzokukudza mukadzi wake asi kungomhura chete.

Mataurire ake ndeekutaridza kuti mukadzi pane chaasingazivi. Mukadzi akaunza zvokudya. Murume anokasira kutaura kuti mukadzi haana kuunza mvura yokumwa. Ipapo mukadzi mvura asiya nokuti ange achitanga kuuya nezvokudya achida kuzodzokera kunotora mvura. Murume okasira kutaura kushaikwa kwemvura kuti zvionekwe kuti mukadzi haazivi basa.

Mukadzi akanogeza akauya kuzovata, murume anotanga nokumuudza kuti sipo yaanotenga haisiriyo nokuti hainhuwiriri zvakana. Sei mukadzi achiita sokuti pama mari hapana? Yoita nyaya.

Mukadzi akabvisa zvipfekwa anoudza kuti zvimagadziko zvake zvidiki. Sei asingadyi zvinokodza. Kuonda kuita seanorwara kudai zvinosvodesa. Kana akakora anotsoropodzwa kuti akakoresa.

Mukadzi akavata nomurume wake obvunzwa kuti akadzidziswa nani kuita zvechihure. Ndosaka ndakakuwana usiri mhandara ingari yokuti unoarira zvechihure. Mangwana mukadzi akati tonho pakuiswa, murume opopotazve kwahi ndigoti ndine mukadzi pakudii.

Chikonzero chikuri ndechokuti murume munhu asina CONFIDENCE iye somunhu. Anoona sokuti vamwe vanhu, hama neshamwari vanofunga nezvaari kubva pakutarisa mukadzi wake, vana vake, fuma yake nezvose zvaari. Haahwisisi kuti iye munhu paari ipapo zvisinei kuti mukadzi wake ndiani.

Kufoyo kutsoropodza asi kumwe kufoya kunyarara pane zvakanaka zvaitwa. Ukaterera vamwe vakadzi vachitsanangura nyaya dzavo nevarume vavo unohwa achiti “Murume wangu haatendi, chero ndikamuitira zvakanaka zvakadii haatendi.” Chibvunza kuti chiiko chaunomuitira chakanaka, unohwa otanga kutsanangura zviito zvemazuva ese chaizvo zvokuti kubika, kuwacha, kuaina, kusona, kumuzvarira vana, kuvata naye. Iwe ungatoshaya kuti nyaya yake iri papi, asi ukazoongorora unoona kuti anongoda kuhwa murume achimtendawo kuti mukadzi akakodzera. Kunyarara kwemurume zvoita sokuti hapana chaari kuita mumba...Check out Part 2.

Varume ngatigashirei Ishe Jesu saIshe naMambo weupenyu hwedu tibatsirike panyika ino neichauya tave kudenga. Musi weSvondo iwe semusoro wemba tungamirira mhuri yako kukereke kunomunamata Nyadenga.

Adopted By Apostle Pride Sibiya From Mai Chibwe
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp