Kushairwa Nzvimbo

Zvino ndakaona chigaro chovushe chikuru chichena, naiye wakanga agere pamsoro pacho, Iye, nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, ZVIKASAWANIRWA NZVIMBO. Revelations 20:11


Kushairwa kwazvo nzvimbo hazvirevi kuti nzvimbo yaisavapo aiwa, asi yenyika yakare nedenga rakare ndiyo yaisavapo nekuti zvitsva zvoga ndizvo zvaiva nenzvimbo. Zvinoda kuva chisikwa chitsva kuti tiwanirwe nzvimbo mune nyika itsva.
Unogona kurambirwa.
Munhu waakudhara anosara kuzvidhara uko. Nekuti muitiro wake ndewakudhara. Ane katauriro kakudhara! Kadyiro kakudhara! Kafambiro kakudhara! Kapfekero kakudhara! Ndewakudhara, zvekudhara, zvidhara zvisina Jesu akabereka kutsva. Saka zvakaora nekuda kwekuva zvakudhara. Zvinenhunzi nemakonye zvinozvitevera zvichifarira kaorero kezvakudhara.

Kunyika yakudhara zvidhara zvisina Jesu ndizvo zvinotonzi 'fashani'. Katongerwe munyika dhara kanosemesa nekusuwisa. Vatongi venyika dhara, ndeva kudhara, vanoita zvakudhara, zvechidhara, zvinosungirira vatongwi pazvakudhara!

Kana vhangeri risinga bereki kutsva vaparidzi nevanoparidzirwa vanopambadza nguva.

Kanguva kaduku kachiko Noah haasati apfigirwa, ngatimhanye kunohwanda zvinouya. Chigadzirisa nyaya yako naJesu nekumugashira saIshe naMponesi utange kuenda kukereke wakamirira kuuya kwake.

Adopted By Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp