18+ Zvinobhowa 20 PaVarume Vedu

1. Kusagutsa amai emotionally. Vakadzi tinoda kudiwa kwete nekungoti waakuda bonde.

2. Kuita gumbo mumba gumbo panze. Kuita izvi kunopedza rudo. semukadzi unoshaya kuti pausina kukwana ndepapi.

3. Kuita jongwe pabonde. Varume ngavaudzwe Apostle namama Sibiya kuti vapedze nguva nesu vachinyatsotibata bata nekuti kisser kwete kungomhanya. Urikumhanyirepi zvinhu ndezvako?

4. Kuzviitira zvinhu wega. ko kana usina chaunoda kuti ndikubatsirewo kana nepfungwa dznguwo wakandirooreri?

5. Kusafamba nemukadzi wako uchimusema.

6. Kusaita ma surprise. Zvakanaka kumboitirwawo zvakadaro, kutengerwawo tisingafungire.

7. Kupfeka zvinomakisa mukadzi pane vanhu.

8. Kusaenda nemukadzi ku ma function ekubasa. unenge uyinani ikoko?

9. Kuvharirana naamayi muchitaura (chii chamunotaura mukadzi chaasingafanirwe kunzwa)

10. Kusabuda pachena kwakabviwa. Zvakanaka kundiudza chokwadi kwete kuti tagarisana makore tozoona kamuFomu 1 kauya kachinzi kamwana kako.

11. Kupedza mazuva mayi vakatsanya bonde muchiti makaneta. Dzimwe nguva tonyara kutaura asi totorida

12. Kumbotiendesawo out even for lunch. Zvinobhowa kugarodya zvawabika wega gore rese.

13. Kutisema pamazuva ekuenda kumwedzi.
14. Kuita munhu anongogara achishandura mhepo nguva dzose(farting).

15. Kungotaura nezvaEx wako or mukadzi wako akafa kana takazowanana uri tsvimborume.

16. Kuomera kwekuti tinogara tisinawo kana mari yatinoti yedu.

17. Kugaro fungirwa zvese namai vako zvinotirwadza. chokwadi imba yedu inga tongwe namai here isusu nhuri yako tiripo?

18. Kungozvikudza zvisina maturo

19. Kunyangwe ndakutadzira kundituma nezvekumba kwedu, kundidzinga nekunditukira hurema hwangu kunditi ngomwa zvincheka sebanga rakagomara.

20. Kundirova. Ko hatikwanise kutaurirana here tikanzwisisana?
Zvimwe zvinhu zvinobohwa.
Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp