18+ Zvinobhowa 20 Pamadzimai Edu

Varume vanezvinovagumbura mudzimba umu. Musati mapopota dzidzai mozoverengawo yakanzi 20 Zvinobhowa Pavarume vedu:


1.Vakadzi kukiya bonde kana matsamwisana. Kumurume bonde kupedza uturu hunenge hwazara maari. Mukaramba topedzerepi?

2. Kukoshesa shamwari kupfura murume wako. Dzimwe nguva tinotadza kubikirwa vanhu vachitandara zvavo.

3. Kuita zvinhu nerweseri murume asingazive. Ummm izvi zvinotirwadza Apostle. Kubiridzirwa muupenyu kunorwa munhu waMwari vaudzei.

4. Kurara munhu achikanda kunhuwa fish ( puts off murume). Zvakanaka kugeza kaviri pazuva.

5. Kuudza vanhu vese vese zviri kuitika mumba menyu. Dai nyaya dzedu dzachengetedzwa pakati pedu kwete kudirwa kunevamwe.

6. Hasha ne chiramwa. Kutadza tinotadza asi please musaite hasha dzakapfuurikidza.

7. Kusaziva zvinodiwa nemurume kubva kuzvekupfeka kusvika kuzvekudya.

8. Kusarumurika padiki padiki kwa mhamha. mai ndevedu tose ava, saka ukatidzosera pakuti ndevako vega unonditadzisa kuvafarirawo.

9. Kupfeka kunge muchati mu bedroom kana Ninja kuoneka maziso chete. Isu tofarira kurara tichingokugumhai-gumhai!

10. Kutaura rough kumurume wako. Ndapota pakutaura titauriranewo zvakanaka.

11. Kuita shamwari dzisiri muwananano kana ma small house evamwe vanhu

12. Hapwa dzinenge dendere. Umm ngatigarei tichichenesa muhapwa nepakati. Vhudzi rinochengeta bacteria inokonzeresa kunhuwa.

13 .Kuita muviri unonama makunorara nedikita.Bhavha nesipo netaura is the solution chete.

14. Mukanwa munokanda. Ngatigezei mukanwa kaviri pazuvaka!


15. Kuita danda pabonde. Iyi makamboinyora Apostle Sibiya asi itaurei futi! munhu ndewe kutirimukawo kuti tese tifarewo.

16. Kudheerera murume. Ehe ini ndiri shamwari yako asi koshesawo kundiremekedza. Zvinofadza.

17. Kungotarisira kuti isu tikutangei pabonde kunobhowa. zvinoratidza kuti hamutotidi pabonde.

18. Kutibata sevana vadiko. Shamwar ndiri murume wako, baba vemusha ndibatewo sekudaro.

19. Kuramba uchitaura nemurume wawakambodanana naye or akakubvisa humhandara.

20. Kurumbidza vamwe varume asi ini ndirini wako
Pane zvinongobhowa
Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp