18+ Chombo Chisina Simba

Vakawanda muri kubvunza chikonzero chechombo chisina simba uye kuti zvinogadziriswa sei. Kana tichiti chombo chisina simba tiri kureva kuti:


1. Chombo hachinatsi kumira zviya zvokuoma zvokuti ukabata chombo chake mumaoko unohwa chakagwinya uye chichiita sechine moyo mukati kuti gwii, gwii, gwii muruoko mako nehasha uye chichidziya kupfuura ruoko gwako.

2. Chombo chinokwanisa kumboti mirei kwekanguva kashoma chobva chaita sokuramwa kushandiswa.

3. Chombo chinomira murume wopinza chobva chabatwa nehope chiri mumukadzi.

4. Chombo chinoti musi uno chambonyebera kumira mangwana chobva charamba Umwe musi unofunga kuti chamira zvokukwanisa kupinzana asi choramba.

Nyaya dzese idzi dzinokonzera mese kushushikana pazviri. Chero ukatora vanhu vaya vanoti mukadzi anogaronyima murume. Musi waanongoziva kuti murume wake haachamiri chombo anotoshushikana pazviri kuita sokuti ari kuda kuiswa.
Rubatsiro Runowanikwa
Kushushikana kwemurume panyaya yokusagwinya kwechombo chake chimire kunowedzera dambudziko. Zvikonzero zvinozikamwa chaizvo zvinoti:

- Kugaroona mafirimu e Pono evanhu vachirarana
- Kusvuta fodya
- Kushandisa imwe mishonga yakaita semushonga we BLOOD PRESSURE.
- Kuwanzisa zvokurhoja maoko ako iwe murume
- Kugaroshandisa mapiritsi ekumisa chombo akaita saana Viagra kana kuti Vhuka.
- Kusajaira kuvata nomukadzi wako mumba, kungovata pasina zvaitwa zuva nezuva
- Kuva nezimuviri ziguru (Overweight)
- Kugarochovha bhasikoro kwenguva refu pazuva kana mazuva akawanda
- Kuwanza doro
- Kuva ne Cancer
- Kuita Diabetes
- Kuva ne BP yakakwirira
- Chegwere che Depression (Kushishikana pamoyo nenyaya dzoupenyu hwako)
- Kurambwa, kutadza kuita musikana, kutya vakadzi
- Stroke
-Kusamwa mvura yakakwana

Kusadya zvokudya zvine BALANCE.

Apa taona kuti zvikonzero izvi zvinhu zvinoitwa naivo vachazotadza kumirigwa nechombo. Zvinhu zvaunokwanisa kurega kuita uye kugadzirisa. Hatiisi kuti ibva warega zvachose kurhoja maoko ako kana kuona mafirimu aunoda kuona. Tiri kuti hwisisa kuti zvinokanganisa fungwa dzako panyaya dzekuisana. Kumira kwechombo chako kunobva mufungwa saka iwe ukatanga kufunga kuti kuisana kwevanhu chaivo vasiri vekunyebera kwakafanana nekwevanhu vemumafirimu ava uchaona kuti fungwa yako inoti kuisana nomukadzi wako hakunatsi kunaka saka kumira chombo chingamirirei hacho?

Kusvuta fodya kunoitisa kuti maHORMONES anokurudzira kumira kwechombo aite mashoma. Mabhora ako anoita madiki oramba achidaro kwenguva kusvika ava madiki chose. Varume vanosvita fodya mabhora avo anotsonga. Kana mukomana wako ari wefodya ziva kuti muchasvika pamunotanga kunetseka nezvokuisana. Kana wakachenjera siyana naye. Kana ari murume wako isa maSANCTIONS asiye zvefodya izvo. Asi kana asya iwewo chimupa REWARD inomubvisa fungwa pakudzokera kufodya.

Kushandisa mishonga imwe yezvigwere imwe yokuzviitisa, kunokwanisa kukonzera kusamira kwechombo. Imwe mishonga inokwanisa kutanga ichiwedzera kumira kwechomo asi chombo chinozojaira kungomira kana mushonga iwoyo uripo chete. Kana usipo choti bodo.

Kuva OVERWEIGHT kunowanzoitiswa nokugarodya zvokudya zvakawanda iwe pasina chaunoita. Kumunda hauendi, Kufamba haufambi, Kushanda haushandi zvinonetesa. Napo napo woda kudya futi. Kotizve vamwe vanodya zvokudya zvine mafuta akawanda sokuti muriwo wafuraiwa, kana kuti nyama yagochwa, kana dovi rakawanda. Kana BMI yako yapfuura 25 hwisisa kuti wakoresa. (BMI inongotaridza kuti une mafuta akawanda zvakadii mumuviri asi haitaridzi kuti une utano hwakanaka sei) Uchasvika pakunetseka kumira kwechombo, uye kuti maitire enyu pakuisana achanetsa nokuti wava nezidumbu. Unokwanisazve kubata zvimwe zvigwere zvawange usingazoiti.

Pakuisana mukadzi ane chidumbuzenene ari nani pamurume nokuti anokwanisa kufongora kana kukwira murume. Murume ane dumbuzenene anonetseka pakuisana. Vabiki hwisisai pakufidha varume venyu kuti ndimi munovakodza kuita sokuti imombe dzemafidha. Chengeta murume wako ane utano kuti asazoita diabetes inova ndeimwe inokonzera chombo kunetsa kumira futi.

Taonazve zvimwe zvatisingakwanisi kugadzirisa tega asi ngatihwisise kuti zvakawanda zvinokwanisa kusamboitika kana mumba muchigara mune mufaro. Vakawanda vedu tinozvinetsa nezvigwere zvinokwanisa kudzivirigwa nokugara munhu ane mufaro. Kana mumba mako mukashaya mufaro zvigwere zvinoswedera pedo nemi mese murume nomukadzi.

Kotizve iko kuisana chaiko kunorapa zvigwere zvakawanda chose saka munhu dzidza kuva nehanya nokuisana nomukadzi wako mumba menyu. Inga zvokudya munodya wani pasina kuti moita vhiki musina. Ko kuisana munoitirei vhiki musina. Zvikuri muchando muya kuisana kunonaka kugodziisazve muviri kugodzivirira zvigwere. Mukadziwo wana mazano ekumisa chombo chomurume wako aanoziva iye kuti akakuona uchiita uri kuda kuti chombo chimire muisane.

Mapiritsi ekumisa chombo kwahi e Viagra musamwa anopfuura maviri pamwedzi. Zvoreva kuti rimwe chete pa 15 days kuti muviri wako usajairira kumiswa chombo ve VIAGRA.

Saka nyaya ndiyoyo ipfupi chose kuti muihwisise nokukasira. Kana waziva chikonzero chako wochigadzirisa wega nokukasira.

Saka Chombo chine simba chinodiiko?
Kana murume ane chombo chine simba. Anokwanisa kuti pamunotamba musina kupfeka makamirira kuti mai vemba vawane kunyorova, murume haanonoki kuti twiii. Mukadziwo kuona kuti saimba amirira zvinopa zemo. Kuzoti pakutamba kupurudzirawo murume chombo vokumuvhurira makumbo kuti atsvanzvadzire achifeyafeya kuti kuri kunyorova here, unohwa wega kuti murume akwana.
Chero mukaita nguva muchirezvana chombo hachihowekani kusvika pakuvata. Zvadaro murume akapinza chinoramba chakadaro. Mukakweshana, mukambozorora chinoramba chakangoti twii.

Ukakwiziwa pasipo zviya zvikuti unohwa sooda kuweta, ukasimuka ukaenda kutoireti ukanowete, unodzoka uchiwana murume akangoti twii. Chinhu chega chinozokunda chombo kudiridzira chete chete. Ndipo kuti titi chomo chine simba. Pamwe chero akadiridzira anomboita kanguva akadaro zvokuti kana ukamushinya anotokwanisa kumboramba achichovha.
Kumira kwechombo kunopa mese CONFIDENCE mumba. Pamwe kana une murume ano chiramwira anoti mukapokana oramba kuvata newe, usamujaidza kudaro nokuti anozoramba achizviita. Rega azame kuvata ari kure newe. Ukamutaudza uchibvunza kuti tongovata here kana kuti uri kuda kundipanicha? Akakunyararira, vata nomusana, wovhura makumbo wozvibatabata achihwa kuti ndizvo zvauri kuita. Chombo chake chinokasira kumira uye kana chamira asina dambudziko chinoita nguva chimire. Ukazoswedera pedo ukamupurudzira magaro ukati Shamwari sori ndakanganisa chiuya undipaniche tivate. Haanonoki nokuti anenge atogara amira nechekare.


Kana ukaziva kuti chombo chako hachichina simba kasira kundoudza varapi vakuongorore nokuti unokwanisa kunge une damudziko rinorapika. Ukarinonokera zvinokuomera mberi. Kunamata kunobatsira nekuti hapana chinokunda Mwari.

By Mai Chibwe Vekwa Zimuto

Adopted and edited by Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp