Genesis 22 vs5 Nyaya yekuteerera kwaAbrahama, vazhinji tinoiziva. Akaratidza kutenda kwakakura chose paya paakabaira JEHOVHA mwanakomana wake umwe. However, ini pane yandirwadza panyaya iyi.
On verse 5, Abrahama anoudza majaya maviri akavaperekedza kugomo reMoria kuti, 'imi chigarai henyu pano nembongoro (madhongi), ini nomwana tichaenda ikoko, tichambondonamata, tichadzokerakwamuri'.Majaya maviri anosiiwa akarinda mbongoro apa vanga vanyatsobva vose kumba zvakanaka, vakafamba zvakanaka but nguva inonzi tava kundonamata MWARI ivo vanobva vasiiwa vakarinda mbongoro.
 |
Ramba Kusara Wakarinda Mbongoro |
Hey! .Iyi haisi yemajaya aya okusiiwa akarinda mbongoro,ndeyako iwe urikuverenga zvimwe ungadaro satan arikukunyengerakubvuma kusara wakarinda mbongoro. Vamwe vanoronga kutsanya muchurch iwe ndipo satan paanokunzwisa nzara huru chose, wobva wasiiwa wakarinda mbongoro vamwe vachinamata. Vamwe vanopa zvipo muchurch, iwe wofunga dzimwe budget dzisina huMWARI wobvuma kusara wakarinda mbongoro vamwe vachindoropafadzwa.
RAMBA KUSARA WAKARINDA MBONGORO, teveraparikunamatwa MWARI. Usanyengerwa nasatan. Tine vamwe vari kusiiwa vakarindiswa mbongoro vamwe vachindonamata.Akabatisisa kunaka kwedoro, kweupombwe, kwekuba, e.t.c zvekuti hey. Kwese uku kusiiwa wakarindiswa mbongoro nasatan vamwe vachinamata..Yabatika? Amen.
Chigashira Jesu saIshe naMambo izvezvi Sondo kukereke handiti?