Mupfumi Nesvosve

Umwe mupfumi akati aenda zvake kuHoliday, zvino akati agere zvake panze achirohwa nekamhepo achiverenga zvake newspaper rake. Akatorwa maziso nesvosve rakapfuura nepamberi pake richidhonza shizha. 


Shizha raive rakakura kudarika svosve . Mupfumi akatora nguva yake achinyatsa kumbotarisa mafambiro araiita. kunyange raifamba maive nematombo, mvura nezvakawanda wanda raisasiya shizha. Pamwe raiti rikakwira madziro shizha rodonha asi rairamba richitora futi shizha riya, pamwe raidhonza shizha richipinda nepakati pematombo richingo manikidzira kusvika shizha rakwana chete, pamwe raitowira mumvura asi shizha raisa sara.

Zvino pakati papera nguva yakareba svosve richingo kikiritsana neshizha. Mupfumi uya ndipo paakazoona svosve rasvika pamwena waro asi chakamunetsa ipapo ndechekuti shizha rainge rakakura kudarika mwena wesvosve. Nekushingirira kwese kwaraiita pakudhonza shizha, richimbowira mumvura nekupinda pakati pematombo zvose izvi zvakava pasina nekuti shizha rakazongosiwa pamuromo wemwena. 
Mupfumi Nesvosve
Unomboziva here kuti vanhu vakawanda chaizvo varikudhonza mashizha nhasi uno. Vazhinji havatozivi kuti shizha rauri kudhonza Nderipi. nhasi ndauya kuti ndukuratidze shizha rako.unoziva here kuti denga rakangofanana nemwena wesvosve , haripindi zvese zvese. inzwa zvinotaura bhuku. 1Corithians 6vs 9-10 " ko hamuzivi vasakarurama havagari nhaka yevushe bwaMwari here? musarashika nekuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanofeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa nevarume, kana mbavha, kana vaneruchiva, kana vanosinwa doro, kana vanotuka, kana mbavha, havari nhaka yevushe hwaMwari".

Vangani vedu nhasi wari kudhonzana nawo mashizha muupenyu hwavo. Svosve paraidhonza shizha raifara zvikuru asi harina kuziva kuti mumwena haripindi. nhasi umwe aripano unaro rako shizha rauri kudhonzana naro izvozvi and zviri kukufambira uchitofara nazvo. asi ndauya kuzokuudza kuti zvauri kudhonzana nazvo zvinonosara pamuromo weMwena hapana kwazvinokusvitsa mudenga hazvipindi. pano panyika hatisi kuraramira kufadza nyama asi tirikuraramira kuti Mweya yedu izopindewo humambo hwaMwari manje nemashizha auri kudhonzana nawo unopinda here. Chokwadi here munhu unoshingirira kuita zvisina maturo pamberi paMwari. 
Munhu musvinu akaita sewe ungazvipira kuda kufadza nyama mweya wako uchitambura. Regedza mashizha auri kudhonzana nawo ayo utsvage Mwari nguva ichipo .

PLEASE SHARE!

Adopted By Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp