Kufa Mafiro Ebenzi.

By Apostle Pride Sibiya 

2 Samuel 3:33 "Why should Abner die the death of a fool?" 

Vamwe vanoti kufa kufa. Ndizvo here? Bhaibheri rinotiratidza kuti kune mufiro webenzi. Pakufa van we vanotofa vachisekerera saRazaro anonzi akatorwa nevatumwa. Vamwe vanofa vachishevedzera vachichema nekuti vaakuona kwavava kuenda. Ndomafiro ebenzizve aya. 

Benzi harisi riri kuchikoro chevanorwara nepfungwa, benzi munhu anoramba kunamata Mwari: "Benzi ndorakati mumoyo maro Mwari hakuna"(Psalm 14:1) 

Nhai hama yangu wadireiko Kuda mafiro ebenzi nyamba iwe uchiratidza huchenjeri hwaunawo uyu. Zvinobatsirei kuwana zvese zvenyika, kutoremekedzwa kunzi boss, kutonzi amai vevanhu, kutonzi ndiwe wakamirirwa ASI WOZOFA MAFIRO EBENZI! 
After mafiro auchaita kune denga rakamirira vanhu...kune gehena rakamirira vanhu. Iwe uchaendepi? Unenguwa zvino, ita munhu kwaye! Gashira Ishe Jesu wosiya mabasa ehupenzi uwanire mweya wako zororo nerugare pasi nekudenga. 

SHARE!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp