Asi Kana Imbwa! ... (But Even The Dogs)

Imbwa yakangonzi imbwa nekuti ine kahunhu kembwa... kikiki. Ukanzwa munhu aakutukwa kuti, "uri imbwa chaiyo, "pakaoma. Unenge waita hunhu hwembwa.


Imbwa nyangwe ukaibikira beef goulash yakanaka sei, yapedza inoenda kubin rinorasirwa nemunhu wese. Sei vamwe vachingodanana nevamwe asi ane mudikani wake akanaka? Humbwa-ka uhu?

Imbwa inodzokera kumarutsi ayo yodya. Varipo vakadaro.
Imbwa inoti ikaona tsangadzi yangu yakachekekererwa yototi paita chimbuzi...varipo vanodaro kuti pane chakanaka vanongobvongodza muto.
Imbwa inodanana namai vekubereka, inoita chiBen 10.

Imbwa ah imbwa ingori imbwa!
Iko kukanganwa akakuchengeta humbwaka? Saka vakuru vakati kurera imbwa nemukaka mangwana inofuma youkuruma.

By Apostle Pride Sibiya

MuBhaibheri aripo mukadzi aida kuporeserwa mwana wake naJesu. Jesu akamupindura kuti hazvaisafanira kuti muhedheni awane nhaka yedenga: "Hazvina kunaka kutora chikafu chevana ndochikandira kumbwa." Mhinduro yemudzimai ndoyakandifadza nokuti yakashandura nyangwe Jesu: "ASI KANA IMBWA DZINODYA WANI PASI PETAFURA YATENZI."(Matthew 15:26-27). Mwana wake akaporeswa!

Ndoda kuti uzive kuti kunyangwe wakatadza sei ukaita zvakaipa zvingafananidzwa nembwa, ASI KANA IMBWA dzakawanirwa nyasha pamberi paMwari. Izvezvi kumbira ruregerero kunaMwari kuburikidza naJesu ave Ishe naMambo wako. "Huyai titaurirane ndizvo zvinoreva Jehovah kunyangwe zvivi zvako zvakatsvuka seropa ndozvichenesa samazaya echando." (Isaiah 1:18)

Chisiya hupenyu hweumbwa. Tumira umwe runyoro runo uporese rudzi. Amen.
Asi Kana Imbwa! ... (But Even The Dogs)

avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp