Usadyire Uroyi Kunyara By Apostle Pride Sibiya

Pakukura kwatakaita kuti usazokwate kumba kwevanhu. Kunyangwe pataitambura zvainzi ukadya kumba kwevanhu unozvimba katumbu! Kikiki!

Rimwe zuva Snodia akasvika kune imba yemuvakidzani achiteera shamwari yanga yashevedzwa kuti inodya. Shamwari yakati yapihwa chikafu, Snodia ndokupihwawo chake. Akanzwa inzwi ramai vake richimurambidza kukwata asi akaona chikafu chakanaka uye akafunga kuti saka amai ava vanozotii ndikasadya.

Vanhu vakazoziva kuti musikana akwata nekuti asvika kumba achirwara vakaona achiruts huku ivo kumba vanga vadya moboora. Akadyira uroyi kunyara!

Vabereki vemurume akaporeswa naJesu paubofu vakaramba kuti vanoziva Jesu nekuti vaitya uye kunyara kuti vanganzi vanofambidzana naJesu vakazodzingwa musinagogi. Vakada rumbidzo dzevanhu kudarika kurumbidzwa naMwari: “because they loved the praise of men more than the praise of God” (John 12:42-43).

Vazhinji tarega kunamata nekuti pane vakatiseka:

· Vanhu vanozotii?
· Church yamanje manje
· Manje unganamate muhotera mune vapfumi?
· Ndikaramba doro vanozotii?
· Ndikaramba kurara naye anozoti ndakapusa!

Urikuzviona here kuti waakufa nekuda kwekudyira uroyi kunyara? I we unoziva kuti Mwari akakuda uye anoda kukushandisa asi urikutiza Mwari uchifadza shamwari kuti vasakuseke, vasakuti brother, vasakuti zengairwa rekuChurch. Sibiya anoti: “Handinyare neivhangeri nekuti ndiro simba raMwari kuponesa vanotenda (Romans 1:16).

Izvezvi pauri ipapo iti: “Jesu Kristu, pindai mumoyo mangu, muve Ishe naMambo wangu.” Musi weSvondo tora Bhaibheri rako uende kuChurch USINGAMBONYARE!
Usadyire Uroyi Kunyara By Apostle Pride Sibiya

avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp