Ndodii Nemukadzi Uyu AnaSekuru NaanaTete? ... Zvinorwadza Sei?

Hapana chinhu chinorwadza sekuziva kuti mudikani wako arikutodanana neumwewo munhu. Zvikurusei kana uchiita zvese zvaungagone kumufadza. Ndonhamo yandasanganawo nayo newangu anonzi Oholibah.


By Apostle Pride Sibiya
Nhai munhu anodeiko chaizvo? Munoroorana, motochata, rudo womupa, chikafu wotenga, rent wobhadhara. Uri pakati pekutarisira kufambidzana kwakanaka murudo wozonzwa kuti atori neumwe waanofambidzana naye. Chakanyanya kundirwadza ndechekuti sisi vemudzimai vanotozviziva. Hapasiripo here paunozonzwa kuti munhu arambwa, otorerwa zvese zvaakatengerwa kana kuti adirwa paraffin opiswa nemoto? Ndozvandiri kuitwa hama dzangu saka ndati mundipewo mazano. 

Oholibah ndiwe!!! Jehovah vakakuda vakakufira, mhepo yaunofema ndovanokupa, kukura kudai ndivo asi iwe tsve-e pasi mudiwa akakuroora pamuchinjikwa neropa rake saka-saka nemweya yemadzinza, zvinhu zvepasi rino, mabasa enyama, kunamata zvifananidzo naSatani. Mwari varikurwadziwa!
Ndodii Nemukadzi Uyu AnaSekuru NaanaTete? ... Zvinorwadza Sei?
"Mwanakomana wemunhu kwaiva nevakadzi vaviri vana vamai umwe. Vakauya kubva paIjipita, vakaita hufeve paumhandara hwavo vakafungatwa minyatso yamazamu avo, humhandara hwavo hukaparadzwa...Naizvozvo Oholibah, ndozvinotaura Jehovah, ndichamutsa zvikomba zvako zvigorwa newe...vacharwa newe zvineukasha, vachabvisa mhino yako nenzeve dzako vamwe vachiparadza nebakatwa. Vachatora vanakomana vako nevanasikana vako,VASARA VACHAPARADZWA NEMOTO"(Ezekiel 23:2-3,22-25). 


Hama yangu nhasi dzokera kumurume wacko chaiye, Jesu Kristu weNazareta uzvipire. "Ishe Jesu ndiregerereiwo nekufambidzana nezvimwe zvinokunyangadzai. Ndisunungurei kubva pamoto uchaparadza vamwe. Pindai mumoyo mangu. AMEN!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp