Mwana Ano 'Bunker' Chikoro - Zvinorwadza Sei!

Unobhadhara mari yechikoro kuti mwana adzidze wonzwa kuti arikutiza chikoro, kuto bunker chikoro. 

Apa mari yacho ndeyekutamburira, kuyambuka Limpopo, unemavanga eXenophobia, kuswera paborder usina kudya kuti uitire vana asi otadza kunzwisisa kukosha kwazvo. Zvinorwadza sei?

Apa wonzwa kuti anoswera kumagirosa nevakomana...worwadziwa nekuti pamwe mwana uyu akauya necaesar futi. Zvinorwadza sei? Apostle Sibiya zvinorwadza.

By Apostle Pride Sibiya

Uyu mwana anoda shamhu uyu! Tati tiwane pekutangira nekuti imwe misikanzwa yevana kukohwa kwekusateerera kwedu nekuti nesu tinababa varikudenga vane mwana anonzi Iwe. Jesu akacrosser Limpopo yedenga kuuya panyika kushandira iwe, atori nemavanga eXenophobia kurowerwa iwe, kusvipwa nekuzvidzwa especially ronda reparutivi raakaitwa caesarian operation kuti upone, akabhadhara neropa rake kuti upone uye uende kuchikoro chemweya chinonzi kereke asi nanhasi uno-bunker uchigara kumagirosa e-
Mwana Ano 'Bunker' Chikoro - Zvinorwadza Sei!
- Small house
- Hupombwe
- Kudhakwa
- Kuba
- Kusaregerera
- Ruvengo
- Huroyi
- Ruchiva
- Makuhwa
- Hundyi
- Kunyepa
- Kudanana nevarume vevanhu. Zvinorwadza sei Mwari baba vedu?

Maticha ekuchikoro zvaakabata vana chibharo makazorega here kuti vana vaende kuchikoro? Vanhu zvavarikufa kuchipatara makazorega here kunorapwa here akomana? Mota zvadziri kuita tsaona, maakutoenda Jonhi netsoka here askana?

Regai nditi, Mwari wanditi "Sibiya, enda unovaudza kuti, huyai titaurirane. kunyangwe zviri zvako zvakatsvuka seropa ndinozvichenesa semazaya echando." Chiregedza kurwadzisa mubereki:
TENDEUKA!

CLICK AND SHARE!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp