Kubatwa Khakhi Newaawakabereka - Zvinorwadza Sei!

Mwana wako zvaazokura akaroora woti kunaadzimai timbonoshanyira mwana nemuroora kuguta. Rungwanani mofumobata jongwe muromo nekuti rwendo rurefu. 

Mapedza maawa neanodaudzira maneta nekufamba uye mabaiwa nenzara ndopamunosvika pamba pemwana iye wamakarera nekuendesa kuchikoro nekuVarsity.

Muchisvika pagedhe monzwa kufara nekuti Nissan Navara yake iripo. Ko vanonetsa kubataka maShefu kumabasa aya. Kuzonogugudza moyo wosvetuka nemufaro wonzwa izwi rewako mwana, "mirai ndirikuuya!" Gonhi ndiye bheu. Mwana wako, kwete muroora otambanudza ruoko okubata ruoko nekunoperera zvigunwe meso ake akazara kushamisika oti, "makadiiko?" Mapindura, mwana anoramba akamira pamukova zvekuratidza kuti haasi kunyatsonzwisisa oti :"ndineurombo ndakoshiwa, ndiani zviya?" Maihwe!!! Zvinorwadza sei?


By Apostle Pride Sibiya
Ropa rinomhanya...ndiyo high blood pressure here...vhudzi rinoti nyau nyau ... nyadzi ..hasha... shungu ... dzungu ... MIBVUNZO ... ndiye here mwana wandakarera anoti haandizive? Asi mwana akaroyiwa...asi akadyiswa...imba iyi nemota zvakauya nemombe dzangu dzandakatengesa kumusha nhasi oti haandizive ...??? (Originally P.D Chiweshe, redone by Apostle Pride Sibiya). Zvinorwadza sei?

Apostle Sibiya vatumwa naMwari wako. Mwari wako akasiya denga akakufira pamuchinjikwa kuti upone. Ndiye akakusika pakutanga. Mhino iri pameso ako ndiye akanamirapo...mweya wekufema ndiye anokupa pasina mubhadharo...musana unoita kuti ufambe ndiye...zvese zvauri nezvaunizvo panyika ndiye. Nhasi wavamumutambarakede Ishe ndopaanoti "tarira ndimire pamusiwo ndichigogodza ani ani anonzwa izwi rangu akazarura ndichapinda ndidye naye..."Rev 3:20. Nezvawakaitirwa naMwari ndiwe ungafinyamire denga woti, "ndiani zviya, ndakushayai?" Kusatendeuka kwako kusvika zvino Mwari haumizive iwe? Why are you shutting the door in the face of your heavenly Father who has blessed you with all good things? Rega Jesu apinde, usiye kuroyiwa kwawakaitwa nasatan nemabasa enyika nemabasa enyama!

TENDEUKA NOW!

Satan will tell you not to share this message to help someone.

CLICK SHARE!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp