Horomba Yegudo ‘Mutown’… Rakasiya Rapunza Mahwindo

Asi zvisinei, kurohwa nekusungwa netambo kwakazoitwa gudo iri neveruzhinji kunosuwisa zvikuru. 

Chiitiko ichi chakasiya vagari vemunzvimbo iyi vaine kutya kukuru sezvo gudo iri richinzi rakaonekwa mushure mekushaya kwevashandi vatatu nemwana wechikoro vepaGlen View 1 High mukati mesvondo rimwe chete.

Kwayedza ine mazita evanonzi vakashaya ava, kunyangwe zvazvo isina umboo hunoratidza kuti kufa kwavo kunodyidzana negudo iri.  “Gudo iri raonekwa richibva nekuyadhi yechikoro icho, paGlen View 1 High, richijamba mudhuri wechikoro. Asi hatizive hedu kana paine midziyo yakaparadzwa.


“Nepamusaka pekuti pane vashandi vatatu nemwana wechikoro mumwe chete vanonzi vakashaya mukati mesvondo rimwe chete, vanhu vave kungoti gudo iri mashura kana kuti mashiripiti anofambidzana nendufu idzi,” anodaro mumwe murume anove murairidzi pane chimwe chikoro munzvimbo iyi uyo akaramba nezita rake.

Vamwe vadzidzisi nevana vepaGlen View 1 High vanotsinhira nezvekufa kwevashandi vepachikoro chavo pamwe nemwana mumwe chete.

Vamwewo vanoti gudo iri rakabuda muimba yevamwe ambuya vanogara murukisheni urwu.

“Gudo iri raonekwa richibuda mumba mevamwe ambuya muna 14th Street. Saka vanhu vari kuti igudo remunhu. Vamwe vari kuti rabuda mumba mechembere yekuseri paraigariswa muchimbuzi,” anodaro mumwe mudzimai akarambazve kudomwa nezita.
 Horomba Yegudo ‘Mutown’… Rakasiya Rapunza Mahwindo
Mai Jane Nyamweda (59) vepanhamba 7133 – 14th Street, kuGlen View ikoko, vanotsinhira vachiti: “Tatanga nekunzwa ruzha vanhu vachimhanyidzana. Ndatombotya ndichifunga kuti zvimwe kwaita mbavha kana nyaya dzemhirizhonga. Pandacheuka ndipo pandaona rino zihoromba regudo richisvetuka pamusoro peimba asi range richibuda ropa nechekumashure kwaro, zvichida range riri kurovera. Dzimba zhinji dzaparadzwa marata nemahwindo,” vanodaro.
Mai Nyamweda vanoti havana pfungwa yekuti gudo iri ndere mashiripiti sezviri kutaurwa nevamwe. Vanofungidzira kuti rinogona kudaro rakapoya kubva kumasango ane mhuka ari pedyo neGlen View. Dzimwe dzedzimba dzakaparadzwa marata negudo iri idzo dzakamemwa neKwayedza dzinosanganisira dziri mumugwagwa wa20th Street dzine manhamba anoti 6636, 6638 ne6662 apo pakapwanywa mahwindo.

Mai Nyasha Chidzonga (33) vepa6636 vakange vasipo pakapwanywa marata epamba pavo.“Zvakaoma vanhu vaMwari, ini ndakangozonzwawo nagogo vaive pano vachiti pane gudo range richisvetuka pamusoro pemarata edzimba rikasiya rapwanya marata epamba pano neemuvakidzani wedu. Handingazivi hangu kuti igudo chairo here kana kuti zvine chivanhu mukati,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Dadadirai Borerwe (55) vepa6639 vachiti chakava chishamiso chikuru kwavari kuona gudo richisvetuka murukisheni muzere vanhu. “Gudo rapinza vanhu pama‘costs’ nekuti vachada kutenga mamwe marata ekugadzira papwanywa. Asi ndinoti igudo chairo nekuti ndakambonzwa kuti rakamboonekwa zvakare kuBudiriro richibuda mumba memunhu,” vanodaro.

Shantel Chitongo (18) wepanhamba 6662 anoti gudo iri rakasiya rapunza mahwindo epamba pavo. “Gudo rakauya pano richimhanya ndokusiya rapwanya hwindo rekumberi kwemba. Rakabva razotiza richienda kuservice station. Hwindo rakapwanywa saka takaona kuti hapangarari pakadaro tichibva tangogadzirisa,” anodaro Chitongo.
Kwayedza ine vhidhiyo regudo iri, iro rinoratidza mhuka iyi yakasungwa gumbo netambo apo raishungurudzwa zvinopisa tsiri nechaunga chevanhu.

Gudo iri rinoratidza kushungurudzika kukuru pachizoonekwa pave kusvika motokari chena richibva ratakurwa nemunhu akapfeka yunifomu yevashandi vebazi rinoona nezvemhuka, reNational Parks and Wildlife Management. Mutauriri webazi rezvemhuka, Muzvare Carloline Washaya-Moyo haana kubatika panhare kuti ataure pamusoro penyaya iyi.

Nyanzvi munyaya dzechivanhu kusangano reZinatha, Sekuru Elisha Mutanga, vanoti panogona paine chivanhu nekuti hazvisi nyore kuti veruzhinji vaone gudo pese-pese mumusha wakaita seGlen View.“Muno muZimbabwe makasiyana nedzimwe nyika dzakaita sanaIndia dzekuti vanhu vangaona mhuka pese-pese nekuti dzine nzvimbo dzadzinochengeterwa. Chinogona kudaro chiri chikwambo chaitofamba mudzimba dzevanhu. “Gudo iroro rinogona kunge riri mutumwa kana mushonga. Gudo chairo harifambe mudzimba dzevanhu,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Source: Kwayedza
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp