Gudo Rakavharisa Chikoro Nekudo Maticha Echikadzi.

VARAIRIDZI vepaSiyangaya Primary School, kuTsholotsho, svondo rapera vanonzi vakatiza pachikoro ichi vachiti pane gudo riri kupinda navo pabonde husiku nenzira dzisinganzwisisike. 


Mukuru wezvedzidzo kudunhu iri anotsinhira mashura aya. Vamwe vadzidzisi vepachikoro ichi vanoti varairidzi vechidzimai vanofuma vasina zvipfeko zvemukati kana kuti vaine zviratidzo zvekuti vanenge vashinhwa navo husiku.

“Mumwe wevadzidzisi ava akati akamuka nguva dzave kuda kuenda pakati pehusiku musi wa10 Chikunguru ndokuona murume waasingazive aive nehoromba regudo mumba maaive akarara. Akaridza mhere apo murume uyu negudo rake zvakabva zvanyangarika nepachidziro chemba,” akadaro.
Gudo Rakavharisa Chikoro Nekudo Maticha Echikadzi.
Mumwe mugari wenzvimbo iyi, VaSamson Ncube (70), vanoti vamwe vadzidzisi vepachikoro ichi pavakanzwa ruzha rwemukadzi uyu, vakamhanyira kumba kwake ndokuudzwa zvakange zvaitika. Vanonzi vakazokumbira kuita musangano nevakuru vedunhu iri.

VaNcube vanoti musangano uyu wakaitwa musi wa11 Chikumi uye varairidzi ava vakabva vati hazvaiita kuti varare pachikoro apa zvakare.
“Vakati vari kushinhwa navo negudo. Vose vakati vanotya kuzvitaura nekuti havazive chokwadi chaicho chiri kuitika,” vakadaro.

Vamwe vagari vemunzvimbo iyi vanoti vana vanosvika 429 vakatomiswa zvidzidzo nekuda kwekuti mukuru wechikoro ichi, VaMandlenkosi Maqeda, nevamwe varairidzi vaviri vechidzimai ndivo voga vakasara varipo, vamwe vose vatiza.
Apostle Pride Sibiya.
Unobatsirika.
Vanoti vadzidzisi gumi vechidzimai vakatotiza gudo iri, iro rinofungidzirwa kuti chikwambo, rakange richivashungurudza kwemwedzi wose.

By Pamela Shumba
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp