Wednesday, 22 May 2019

Nhai Unozvinetsereiko?

Unozvinetserei nekuhwandisa numberdzeSmall yako uchidziSaver kuti “sekuru vezvidhinha”, wadii kungosiyana nezve kuhura? unozvinetserei nekuvhura ghost account paFacebook inorder to chat with your ex boyfriends without the knowledge of your husband.
By T Chapfika
Cheaters
Wadii kungosiyana nazvo. unozvinetserei nekuda kuhwanda-hwanda vabereki vako kana wamwa ZED kuti vasazvizive, wadiii kungosiya doro racho. Unozvinetserei nekuClear maMessages eWhatsapp kuti mudiwa wako asaone zvawanga uchiita, wadii kungosiya zvekuflirter paWhatsapp. unozvinetserei nekuTenga tuhembe twunonyadzisa twaunopfeka without the knowledge of your parents. Wadi kungopfeka hembe dzine hunhu unozvinetsereiko, nekuzviomesera hupenyu hwako nezvinhu zvisina maturo. Unozvipereiko B.P nekuda kufadza nyama but uchikanganisira Mwari? Just leave maGame ese aurikutamba ayo and live in a simple way inofadza Mwari.

hupenyu hwekubiridzira hunorwadza, hupenyu hwekururama hwakanaka chose!
"Tsvakai Jehovah achawanikwa danai kwaari achiri padyo, mutadzi ngaasiye nzira dzake."(Isaya 55:6-9).

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips and all social media.


No comments:

Post a Comment

Contact Form

Name

Email *

Message *