Dressing: Mapfekero Haana Basa, Chikuru Moyo Wako! Ndizvo Here?

This is not a matter of debate imharidzo. Kana yakubata chingotendeuka kwete kugumbuka. Chaita ndiparidze ndanzwa nemibvunzo about dressing. 

Provebs 7vs10, 'Zvino tarira, mukadzi akasangana naye akanga akafuka sechifeve, anokunyengedzera pamoyo'. Ko icho chifeve chinombopfeka seiko uye chii chinombonzi chifeve? Chifeve munhukadzi anotengesa muviri. Zvoreva kuti iye anotengesa anoshambadza zvaanotengesa (advertising). Saka chero pakupfeka anopfeka zvinoshambadza zvaanazvo. Tombotangira ipapo hede?

Ko why uchiti dzimwe nguwo dzako pakasvika Pastor unomhanya kubvisa? Ko sei uchiti, dzimwe dzacho hadziiti kuchurch? Ko shoko harina kuti miviri yedu itembere yaJehovha?

Adam naEve vatadzira Mwari vakaona kushama kwavo, vakatsvaga mashizha vakasimira but Mwari paakauya akavaitira nguwo dzematehwe akavafukidza nadzo (Genesis 3vs21). Mashizha kana akapfekwa dzimwe nyama dzemunhu dzinonekera but dehwe rinovhara muviri wose. Idzo dzako hembe dzinosiya ganda remukati richionekwa haasiwo mashizha akabviswa naJehovha akaisa dehwe here? Chero ukanamata zvinengei, ukaparidza zviri powerful, ukatsanya zvinengei wakapfeka sechifeve shoko rati, moyo wake unekunyengedzera.
Dressing: Mapfekero Haana Basa, Chikuru Moyo Wako! Ndizvo Here?
Kana isu tabvumirana kuti kupfeka hakuna basa iro Bible roti, akapfeka sechifeve zvoreva kuti zvifeve zvine mapfekere azvo. Mazuvano vanhu vava kutoita competition yekupfeka zvakashama nezvifeve zvacho. Hazvina basa nekuti vamwene, murume, vatezvara kana church yenyu yazvibvuma mumeso aMwari munenge muri vanyengeri. Ndadaro coz ndoona muchipedza nguva discussing mumba nyaya yemapfekero, refer to the Bible. Kune mapfekero ezvifeve.

Handina kunangana nemunhu Bible ndoradaro. Jehovha kana akapfekedza Adam naEve zvaivhara muviri wose ongorora yawakapfeka. Vamwe vachisona coz yadimbuka yava kutaridza zvirimukati vamwe ndopavarikutenga dzakadamburwa kare. Ndatuka here mhuri yeZimbabwe? Kana taparadzana zvirinane tiparadzaniswe nechokwadi. Amen!!

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp