Nyaya Dzekunamata: Kusarudza Kereke, Nyika Yashata Iyi!

Church haizi yekuJoiner nekuti ndiyo iri pedyo nepamba pako, inogona kuva pedyo nepaunogara but ichikuendesa kure naMwari.  On top of that haizi nyaya yekuti isusu kuFamily kwedu vanhu vese kubva kunana sekuru vakafa kare ndiyo yavaipinda saka neniwo ndinotopinda iyoyo. Inga chikoro chakadzidza sekuru vako uye baba vako chiriko kwaMutiwatsva uko but wako mwana haudi kuendesa ikoko, handiti kuziva kuti it’s not about just about following a trend yakaitwa nevamwe.

Zvinoda kuti munhu unzwisise kuti church yandasarudza iyi what do they believe in, ndezvipi zvavanotenda mazviri, and you compare it against what the Bible says. Dambudziko nderekuti vanhu vacho hatidi kuverenga Bible we just wait for the leaders of the church to teach us, but kana uchinge watanga kurava magwaro you began to understand better. Unenge wakuti ukaverenga Bible wodzidza kuti Mweya Mutsvene chipo chaMwari chinopihwa mahara (Acts 8:20) but wonzwa kuChurch vachiti bring a seed (mari) kuti ugamuchire Mweya waMwari unobva waona kuti ndakajoiner zvisirizvo. Woverenga Bible wonzwa Jesu achiti munhu haangararame nechingwa bedzi asi neshoko rimwe nerimwe rinobva kuna Mwari (Luke 4:4), wobva wanzwa mutungamiriri weChurch achiti Bible (shoko raMwari) hativerenge, you begin to see kuti pano pandakaJoiner hapasi ripo. Study the word of God ubate chokwadi.
Apostle Pride Sibiya
Don’t be a ‘yes man’ anongobvuma zvese zvese nekuti zvataurwa neMuparidzi, take down notes yezvaari kutaura and compare it nezvinotaura Bible before just accepting it kana kuzviramba. Even zvandinoparidza pano usangobvume usina kuyenzanisa neBible kuti ndizvo zvarinotaura here

Vamwe vakatevera muporofita nekuti he performed a miracle, asi waizviziva here kuti n’anga dzaPharaoh dzaisanamata Mwari chaiye but managed to ‘photocopy’ miracle yaMwari. Aaron anokanda tsvimbo yake pasi and it changed into a snake and n’anga idzi dzikatedzera also tsvimbo dzavo dzikachinja to become snakes. (Exodus 7:10-12). Asi simba ravaishandisa harizi raMwari asi ndera satan.

Bible rinoti old serpent (iyo nyoka yekare) richireva satan pana Zvakazarurwa 12:7. Satan haazi wamanje manje but ndewekare, kureva kuti even mumaOld churches deception yake iriko also. Ndazvitaura izvi nekuti kune vamwe who are scared of the modern churches but vari comfortable nedzimwe church dzekare, but ziva kuti hunyengeri hunowanikwa futi kuKereke dzekare.

1 John 4:1 inoti _“Vadikanwa, musatenda mweya yose, asi muidze mweya, kuti muvone kana yakabva kunaMwari; nokuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika”_
Don’t just believe zvese zvese but you need to test the spirit behind munhu uyu arikuzviti atumwa naMwari. Iyo dzidziso yake yaanokupa, inoenderana here nezvinotaurwa neShoko raMwari. It is on this test that many false prophets are exposed. Vazhinji unonyatsoona kuti dzidziso yaari kupa vanhu can’t be supported by the Bible. If in doubt nezvauri kutevera wana nguva yekunamata nemoyo unorevesa uchibvunza Mwari kuti izvi zvandiri kutevera izvi ndezvenyu here or iProgramme yasatan, and God will answer you in various ways dzaunonzwisisa.

Musoro wechitima kana ukarasika, maTrok anotevera kumashure haana option than kupinda muNjanji isiriyo. Be very careful nevanhu wavakabatirira pavari, they can lead you astray asi kana ukabatirira pana Jesu He won’t lead you astray. Faith yedu ngaisimuke kubva paLevel yekubatirira pane vamwe vanhu but lets hold on to Christ, for He is the author and finisher of our faith. (Hebrews 12:2)

Vadikani ngatitendei mumachechi nevaranda vaMwari as long as they are following the Word! Wawana vanoteerera nekudzidzisa shoko chibva wagara ipapo uteerere zvese zvaunodzidziswa, nyika yaipa iyi!

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp