VERENGA: Zvako Ndezve Kamhando Hauzviuye Zvekumhanya

Kuchembera zvake Sarah asina kana mwana but tarira uwone zvaakazopiwa naMwari...Isaac mwana akanaka chose uye anoterera Mwari uye nevabereki vake(Genesis 21). Iwe mhani haasiye oga, kune shasha inonzi Samuel mwana waHannah...hey Mwari munoshamisa. Hanah kusvika pakunzi ngomwa isingabereki but imi ndipo pamunounza Samuel muporofita weIsraeri (1 Samuel 1). Hey!! Nyatsoongorora yakazoitika pane muchinda anonzi Manowa nemukadzi wake...zvakanetsa kuti vamuwane mwana but nhasi tinongotaura nezvesimba ranga riina Samson(Judges 13). Aiwa mhani, kuna Elizabeth wainzi nenyika heyo ngomwa...kupiwa keke remwana John uya wakazobhabhatidza Jesu (Luke 1:57-67).
Apostle Pride Sibiya
Urikuona here kuti nyaya haisi yekukurumidza kuwana chinhu but quality yechinowanikwa after. Eli akakurumidza kuwana vana chose but vakava mapenzi vakasafadza Mwari (1 Samuel 2:12-36). Iwe nhasi urikuzvidya mwoyo uchiti vandakashanda navo vava nemota nedzimba, vandakadzidza navo vakaroora/vakaroorwa, vandakakura navo vave mhiri kwenyika, vandaitamba navo vava nezvigaro zvinotyisa, vandinonamata navo vakatoropafadzwa...haaaaaaah iwe haikona kuchema. Zvako kunonoka zvazvo ndezvamhando yepamusoro hazviuye zvekumhanya.

Ndoda nhasi kuti urangarire zvose zvawakanamatira zvikasafamba wokumbira Mweya Mutsvene waMwari apinde muhana mako first. Kana wadaro wonamata uchitenda Mwari kuti, 'zvangu kunonoka ndezvemhando yepamusoro hazviuye zvekumhanya as long as asiri madhimoni arikukurwisa kana zvaurikuita kuti usagamuchire. Wakaropafadzwa iwe tenda Mwari. Mwari atiwanire Nyasha. Amen.

Gashira Ishe Jesu nhasi uende kukereke!

Follow Apostle Pride Sibiya on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp