MADZIMAI APO: Spring Thorough Cleaning!

Tati timbokubatsirai kuita spring clean mumba menyu sorii zvenyu

1. Rasai magaba akapera dovi ayo nezvigubhu zvakapera mazowe mapanga nemaspoon ane ngura panze malunchbox atsemuka mamwe haasisina malids rasai zvigubhu zvakapera cooking oil kubin
2. Mapoto akabooka ayo aane ngura rasai kana Kupa vamwe vanokwanisa kunamisa vobikira.
3. Ko mawater glass ane macracks muda kuzoadii kubin
4. Zveplastic nezvesimbi ipaiwo vanoshaya
5. Zvisukiso chinjaiwo nguva iripo
6. Zvaiiswa naamai vedu kumadziro izvo bvisai zvakasara mnozviziva zvatiri kutaura ana be a visitor not a spy nezvimwe zvakadaro apa chiri padhuze nechakanzi feel at home sei pakadaro hanti
ndaakutotya kuti ndichanzi ndauya kuzotsvaga guhwa. Jesu anomboshanyao mumba menyu owana be a visitor not a spy itai mushe imi. Zvinhu ngazvirege kuwandisa kumadziro mapikicha ngaaite mashoma kumadziro uko
7. Matoothbrush asisashande rasai
8. Bhutsu dzamusisapfeke goverai mastomp akadhamba nemaslippers akakwachuka muri kuda
Amai
kuzoasonesa here. Kutoita kadhibhokisi rakazara bhutsu dzisingapfekwe
9.Inga makati vana vakwana ko mateneti muri kuadii amakapfeka kare pamwana aane 4 yrs Iwo manapukeni ake nehembe dzehucheche makachengetera ani nemabhodhoro eparacet kkkkwa
10. Hembe dzaadiki kana dzadhamba buritsai mumba veduwe. Maskirts asina mazip munopfekerei zvipeneti zvakagadzirirwa manapukeni kwete maskirts.
11. Ko mapants nemapitikoti amuri kuramba makasungirira mupaper bag iwo abvaruka nekudhamba mamwe dzangoondandi munoadii pisai asikana
12. Masocks akabooka rinhi ayo zvinoreva kuti hamugone kusonaka saka out nemapulling socks akaladha nayo rasai nemahair piece maweave nemawig asakara panze
13. Matissue akashanda nematoothpick nemacotton buds akashanda anodei muhandbag nemapaper emasweets nemafufu mheno ei nemapepa nemareceipts hamuchatomboziva kuti ndeei egore rakapera throw away nemapen akapera imika
14. Mabuckets haarongedzwe mumba ari manyoro ngaakweshwe opukutwa.
15. Matauro ekugezesa achipa abvaruka rasai
16. Ko magaba akapera mafuta ekuzora asi munotenga ekupima kuda kuzowana pekupimirwa nezvigaba zveperfume yakasopera kare rasai zvigaba zveface powder nemapisi mapisi emamirror kubin
17. Ihwo hwungwanda ngwanda hwemafoni akafa rasai kani.
18. Ko 7 pairs dzebhutsu dzinongogara pamusiwo mumba mune vanhu vatatu ndedzei
19. Mazambia abvaruka nemamwe magumbeze  asisaite buritsai kani ipai vamwe izvo zvisisaite mopisa
20. Chinjaiwo mamats epamusiwo
21. Mbatya dziri mupiro chinjaiwo dzagarisa ndoodziri kunhuwa
22. Turunurai mamwe mabag akarembedzwa kumadziro onai zvekuita nawo awandisa mumba hamungode kurembera rembera zvinhu
23. Mabhandi adambuka asisasungwe rasai
24. Zvimajuzi nezvimajacket goveraiwo veduwe pamunofa zvimwe zvacho zvinotonyadzisa kuburitsa

Remember cleanliness is next to godliness!
Ko iko kungochenesa imba yaunogara panyama, ko yaunogara pamweya irisei askana. Gashira Jesu kristu saIshe naMambo wozvigezesa muropa rake kuti usangane naMwari. Be in church!

Follow Apostle Pride Sibiya on Facebook, YouTube, Twitter, Google+, Instagram, Instaclips, Whatsapp and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp