REMEMBER? Kana Wamutanga Musikana with Mordecai Hamutyinei

KANA WAMUTANGA MUSIKANA
BY MORDECAI A. HAMUTYINEI

Ichokwadi kuti inenge nhamo zvayo
Iyo ine hama dzedu vanasikana.
Nyangwe rudo rwukamubaya mwoyo somunzwa
Haakwanisi kutanga iye kurupa kumukomana.
Anoita zvose zvishereketo zvokukwezva
Asi kuti agotanga iye zvinogozha.
Zviri mumwoyo make zviri muninga, angatozviburitsa chete
Kana wamutanga musikana.
Flirt
Uchitanga kumuona chete hana yako inorova.
Unobvuma kuti itsvarakadenga yado mwoyo.
Kunonoka usati wasvika, chingoti, ‘Ndinokuda’,
Unoona mwana ovhunduka, vhudzi rake kuti nyanyanya!
Kwauri ruziso kape, ndiye ramutuku sehandira;
Shoko rake ndiro rimwe, ‘Handikudi’.
Chirega uchiona mazauone, matindingoma,
Kana wamutanga musikana.
Hoyo zvino mwanasikana washaya shoko.
Otarisa pasi, otarise divi, otarisa mudenga.
Chimuti chotorwa chombotsengwa-tsengwa.
Otora rushamhu opura mashizha zvenhando.
Ongovhuna gumbo mwene sokuzvida.
Kana zvadai chifarira, ndoozvaanoita
Kana wamutanga musikana.

Kungoti bhi nehope rwauya rugwaro,
Mashoko akanyorwamo gumi nefararira.
Rako riya rinongotenderedzwa nebwoni.
Kuti aritaure zvakone n’anga.
Pamwe pakanzi, ‘Mudiw…’, ndokudzimwa.
Pamwe pakanzi, ‘Ndinokud…’, ndokudzimwazve.
Ichokwadi anoshaya nezano rose
Kana wamutanga musikana.

Pamwe ramangwani chienda kwaari uone,
Uchinatsa kumubvunza kana auya kutsime.
“Ko, washinga kuramba uhosi hwandanga ndakupa here?”
Hapoka, chauya chazuro, chiona zvoitwa.
Anomboti pamupfuti, pamutondo, dzamara zvagombera,
Wozonzwa, “Bva, ah, ndada hangu!”
Kazhinji ndozvaanoita
Kana wamutanga musikana.

Zvino chirega uchiona chava chipatapata
Wabata chakati tende, mazangandari.
Woira woriswa semhou ine nhinjana.
Kungoti tsvenzu wotobvunzwa kwawaswera.
Rwava rudo zvino, hapachina kupokana.
Iwe maheu wonwa naanoera.
Vehama, ndozvazvinoita parudzi rwedu
Kana wamutanga musikana.

M. A. Hamutyinei, pp 17-18, Mabvumira Enhetembo, Mambo Press.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp